‘Dzingai cholera muzvikoro’

Muchaneta Chimuka
ZVAKAKOSHA kurwisa zvirwere zvemanyoka secholera muzvikoro – kubvira kupuraimari kusvika kumayunivhesiti – sezvo munzvimbo dzekudzidzira idzi chiungana vadzidzi vakawanda izvo zvinoita kuti zvirwere izvi kana zvikanyuka zvipararire nyore.

Izvi zvakabuda pagungano rechirongwa chenyika chekuwaniswa kwemvura yakachena uye utsanana kuvanhu (National Action Committee (NAC) for Water, Sanitation and Hygiene (WASH) rakaitwa nguva pfupi yadarika pane imwe hotera iri muHarare.

Donzvo rechirongwa ichi nderekupedza chirwere checholera mugore ra2028 (National Cholera Elimination Roadmap) uye zvakaonekwa kuti kune mamwe mapoka asingafanirwi kusiiwa muzvirongwa izvi sezvo ari panyatwa – sevadzidzi vekupuraimari nesekondari, makoreji nemayunivhesiti.

Vachitaura pagungano iri, Mai Smolly Moyo vanova chamangwiza weConnect Water, vanoti muzvikoro munogara vana vakawanda izvo zvinoita kuti chirwere checholera chive nyore kupararira.

Connect Water isangano rakazvimiririra iro rinoona nezvekucheneswa kwemvura uye nharaunda.

“Hongu, zvirwere zvemanyoka secholera, dysentery netyphoid zviri kunyanya kutariswa munharaunda dzinogara vanhu seBudiriro, Glen View, Mufakose neChitungwiza. Asika, ngatisakanganwei kuti kune dzimwe nzvimbo dzinoungana vanhu kwenguva refu semuzvikoro zvepuraimari nesekondari, makoreji nemayunivhesiti.

“Saka tinofanira kupinza vadzidzi ivavo muzvirongwa zvekurwisa cholera kuitira kuti tikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvegore ra2028 zvekupedza chirwere ichi,” vanodaro.

Vanoti munguva yekupisa, pane mikana yekunyuka kwezvirwere zvemanyoka yakakura sezvo nhunzi dzinenge dzawanda kana zvichienzaniswa nenguva yekutonhora.

“Dambudziko guru rakatarisana nenyika nderekuenda kwemagetsi izvo zviri kuita kuti vanhu vashaye mvura yakachena yekushandisa mudzimba. Marara haasi kutakurwa munzvimbo zhinji zvichitevera kudhura kuri kuita mafuta edzimotokari,” vanodaro.

Zvichakadai, Hurumende iri kuita mabhindauko ekuvaka madhamu uye iri mushishi kuunganidza mamiriyoni nemamiriryoni emadhora emari yekuvakisa Kunzvi Dam neMusami Dam senzira yekuderedza nyaya dzekushomeka kwemvura muHarare.

Mashoko aya akataurwa naEngineer Tinashe Mutazu avo vakafanobata chigaro chemunyori kubazi rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu.

“Hurongwa hwedu hwasvika kwamvura yacheka makumbo hwekuti mabasa eKunzvi Dam neMusami Dam achitanga kuwanisa vanhu vemuHarare mvura. Changosara bedzi kuona kuti nyaya dzemari dzakamira sei kuti tigadzirise zvishomanana zvasara.

“Kana zvose izvi zvapera, tinenge tava kugadzirisa Kunzvi Treament Works tichizoibatanidza neMusami muchikamu chepiri. Kunzvi inoda US$600-700 miriyoni apo Musami ichida US$120-130 miriyoni,” vanodaro Eng Mutazu.

Vanoti kupera kuvakwa kweKunzwi Dam kuchabatsira mukuderedza kushomeka kwemvura kuChitungwiza, Harare neRuwa.

Munguva pfupi yadarika, vadzidzi vepaBelvedere Teacher’s College, muHarare, vanonzi vakasvika pakukurumidza kuvhara chikoro nekuda kwekunyuka kwezvirwere zvemanyoka kuvamwe vadzidzi.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×