Fetiraiza itsva yemvura

Kingstone Mapupu
KAMBANI yakazvimirira yeITMOSCI (PVT) LTD yakabura fetiraiza itsva inova yemvura iyo inonzi inorwisana nekusanduka kwemamiriro ekunze kureva kuti kunaya kwemvura yakawanda kana shoma inoshanda zvakanaka zvikuru zvinopa goho guru.

Fetiraiza iyi inodaidzwa kuti ITMOSCI Nutriology Extra Boost iyo iri kuiswa muzvigubhu zvemarita mashanu uye inozosanganiswa nemvura apo inomwaiwa mumashizha ezvirimwa.

Murimisi anomirira kambani iyi munyika yose anove agronomist, VaOtto Jaison (31), vanoti fetiraiza yavo inogona kuiswa muzvirimwa zvose.

“Fetiraiza iyi yemuchigubhu chemarita mashanu inozosanganiswa nemvura inokwana marita 250 iyo inozomwaiwa mumunda wezvirimwa zvakatandavara hekita. Fetiraiza iyi tinokurudzira kushandisa zvigubhu zvedu zviya zvepombi dzekufiritisa tichimwaya mashizha uye inomwaiwa mangwanani tichidira pamashizha iyo inozodzika nedzinde kuenda kumidzi,” vanodaro.

VaJaison vanoti inomwaiwa mangwanani mumashizha sezvo anenge akavhurika maburi zvinoita kuti ikwanise kupinda mumashizha aya zviri nyore.

“Fetiraiza iyi inotora nguva inokwana maawa maviri kana matatu kuti ipinde mukati mezvirimwa apo simba rayo  rinobva ratanga kushanda richidzika kusvika mumidzi richibva nekumusoro uye ine kudya kwese kunodiwa,” vanodaro.

VaDennis Moyo (22) vanove mumwe wevarimisi mukambani iyi vanoti fetiraiza iyi inofanirwa kumwaiwa muzvirimwa mushure memasvondo mana zvamera.

“Fetiraiza iyi haina mhosva kuti mvura yekunaya yawandisa kana kuti yashomeka, inoshanda chete. Haipise zvirimwa uyewo painenge yaiswa hapanyudzwe chibage kana zvimwe zvirimwa kunyangwe mvura ikanaya zvakanyanyisa,” vanodaro

Vanoti inokwanisa zvakare kumwaiwa mumashizha emiti yemichero yakasiyana.

“Apo takatarisana nekudhura kwakanyanya kwedzimwe mhando dzefetiraiza, isu tiri kutarisira kuti nyika ichawana goho guru kuburikidza nemhando yedu yefetiraiza itsva iyi  inova yepamusoro,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *