Gerrard akapihwa imwe kondirakiti

BRENDAN Rodgers anoti Steven Gerrard akapihwa imwe kondirakiti neLiverpool. Kondirakiti yemutambi uyu, uyo aimbove kaputeni weEngland, ichapera pakupera kwemwaka uno uye anogona kusaina imwe kune chimwe chikwata muna Ndira kana akafunga zvekubva kuAnfield.

Rodgers akati Gerrard (34) achapihwa nguva yekufunga zvaanoda kuita muhupenyu hwake, asi anofunga kuti mutambi uyu zvaachada zvichange zvisinei nemari.

“Pana Steven, zvese zvaakaita makore 16 adarika, murume anofanirwa kupihwa ruremekedzo rukuru nenguva yake yekufunga nezvazvo nekuti urwu rwendo rukuru,” akadaro Rodgers.

“Zvakawanda zvaachafunga nezvazvo iye Steven pamusoro penyaya iyi, asi chandinoziva zvichange zvisinei nechekuita nemari. Ndakambotaura hangu naye kwenguva saka hazvisizvo”.

Gerrard akatanga mutambo wechikwata chake apo chakakunda Stoke 1-0 akagara pabhenji pamutambo uyo aipemberera makore 16 kubva paakatanga kutambira Liverpool.

Zvakadaro, Rodgers anoramba kuti pane kunetsana kwakaitika nemutambi uyu.

“Chinhu chimwe chiri pachena, ini ndinofarira chaizvo kushanda naSteven Gerrard, mutambi wepamusoro uyo akatamba nhabvu inodakadza muPremier League. Nguva yese yandashanda naye ndine ndangariro dzinofadza chete uye ndinovimba kuti zvicharamba zvakadaro, asi ndinoda kumupa nguva refu yekufunga zvaanoda kuita mune ramangwana rake.

“Ndakaona zvinhu zviviri svondo radarika zvamungafungidzire kuti zvingakonzere kunetsana pakati pedu, asi kana ndikatsanangudza hukama hwedu ndoti tinoremekedzana zvikuru uye tichibudirana pachena”. — Sky Sports News

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×