Girls High School yakatora mubairo

CHIKORO cheGirls High School muHarare svondo rapera ndicho chakakunda zvimwe gumi mumakwikwi ane chekuita nekusimudzira utano hwemwanasikana apo vaiunganidza mapurasitiki anoputiriswa ma“pads” eStayfree ayo akaitwa nekambani yeJohnson & Johnson.

Vachitaura pamabiko ekupa mibairo iyi, Mai Rejoice Mamino, avo vanova professional and public relations officer kukambani iyi, vakati donzvo ravo ndere kukoshesa utano hwevanasikana pamwe nekuti vazive zvakanakira kushandisa ma”pads”.

Vanoti chirongwa ichi chichange chichiitwa gore negore vaine tarisiro yekuti chikure.

“Tine hanya nevanasikana kuti vakure vachiziva kuti zvii zvinoshanduka pamiviri yavo uye nechikonzero chei, tinoda kuti vakure zvakare vari vanhu vanoziva zvekuchengetedza utano hwavo,” vakadaro Mai Mamino.

Mutevedzeri wemukuru wedzidzo mudunhu reHarare, VaValerio Mukova, vakatenda Johnson & Johnson vachiti kudai mamwe makambani makuru akatevedza matsimba ayo.

Dr Beauty Mutsambiwa, vanova mukuru wechikoro cheGirls High, vakati vanonzwa manyuku-nyuku nekuhwinha kwakaita chikoro chavo.

“Chokwadi veStayfree matipasa manyemwe, vana vedu vakura nguva inonakidza zvikuru apo vanoona kukosha kwedzidzo kuburikidza nezvavanoitirwa nemakambani akadai,” vakadaro Dr Mutsambiwa.

Zuva iri rakaona chikoro cheGirls High chichitunzvaidzwa nekupihwa projector inokosha US$$700.

Mudzidzisi wepachikoro ichi, Mai Birgitta Matengenzara, ndivo murairidzi akaita “best motivational speaker” pamakwikwi aya.

Zvikoro zvakapinda mumakwishu aya zvinosanganisira Hatfield Girls High iyo yakaita nhamba yepiri, Roosevelt Girls High, Zengeza High 1, Mabelreign Girls High, Kambuzuma High 1 pamwe neQueen Elizabeth Girls High.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×