Grade 7: Ipa Shona nguva, usaitarisire pasi

Ticha Danga
TINOKUCHINGAMIDZAI nemufaro mukuru imi mabva mugwaro retanhatu (Grade 6) muchipinda mugwaro rechinomwe (Grade 7). Tinoti kwava kubva zera kwamaita uku uye mave pedyo nekurumurwa kuti muchiita zvigondora zvinozvitungamira. Ndiyo ino nguva yakakodzera kuti mubairwe zani.

Kana muchirangarira bhuku rechiShona regwaro rechitanahatu papeji 122 (gore rechutanhatu ) chikamu 19 yakanyora musoro wenyaya unoti Tapinda tapinda muGiredhi 7. Pamashure pacho pachikamu 18 musoro wenyaya unoti Takura.

Izvi zvinoreva kuti aya haasi manyepo maererano nehupenyu hutsva hwamapinda. Zviya zvekutungana kwembudzi muchiwaya ngazvichipera, kwava kudiwa kudzikama nekutarisa zvakanangana nesu mberi kwotoenda.

Mugwaro rako rino rechinomwe ndimo mauri kutanga kugarira bvunzo dzako huru idzo dzinodudza kupedza kwako zvidzidzo zvepasi. Bvunzo idzodzi dzakakosha muhupenyu hwako nekuti ndidzo dzichanongedzera kuchikoro chepamusoro chauchaenda.

Bvunzo idzi dzichava hwaro hwako hwehupenyu hwamangwana. Neidzodzi bvunzo, ramangwana rako ranga rakaputirwa riri kuzobhedhenurwa roiswa pachena.

Chakakosha kwauri kubata dzidziso dzinotevera kuti usazorasika. Zvino mvura yambambara tiza ichiri kure, newewo chibva wangorigama richibva Hwedza.

Muzvidzidzo zvako chibva waisa simba rako rose. Vazhinji vanowanzotarisira chiShona pasi asi chinozovapidigura chovaisa muna taisireva. ChiShona chinofanirwa kupihwa ruremekedzo serwuya rwunongopihwa zvimwe zvidzidzo zvose.

Vana vazhinji vanoerekana vaita zvakanaka chose kune zvimwe zvidzidzo asi vozokundikana kururimi rwaamai izvi zvinoita kuti vasawane nzvimbo kuzvikoro zvavanenge vachida. Chidzidzo cheShona chinoda kupihwa nguva yakakwana.

Tinoda kutarisa zvinhu zvinoda kuchenjererwa. Simbi inorohwa ichapisa saizvozvi kuti tisazopinda rwatonhorera. Ngatitange tichiri kudzimba kwatinogara nekuti ndiko kwazvinovambira. Hatitaurei chiShona chisina kusangana nechiRungu kana mimwe mitauro.

Mitsara yatinovaka kana kutaura ngaive nesunga wirirano. Hatidi vana vanotaura vachiti “miti dzakawanda.” Handicho chiShona chakaringana asi kuti “miti yakawanda.”

Hatifanirwi kutya kutsiura uya anenge arasa kana kutyora chiShona nekuti ndirwo rwurimi rwaamai vedu. Zvinonzi kugara nhaka huona dzevamwe naizvozvo tinogona kuzonyora chiShona chamandorokwati kana tichiwana pekuchitevedzera.

Saka ndinokurudzira kuti tiverengewo twumabhuku tweShona kuti tigoonawo maumbirwo emutauro.

Kuti donzvo redu rekugadzira hwaro hwechiShona chamandorokwati ribudirire, tinofanirwa kuzvidawo isusu sezvizvarwa vechiShona kwete kuti tikanzwa anosvisvina chiRungu totochiva kuti dai taitawo saiye. Tinogona kuchisvisvinawo futi kana takazvipa nguva.

Ngatidzidzei kuti pepa redu reShona pabvunzo rinoda chii kuti tigobudirira. Tinotarisirwa kugona kunyora rondedzero dzakareba zvakafanira nechiShona chakanaka. Hatizivei mwero wezvikamu (paragraphs), mashandisirwo anoitwa pfekedzo, kusanganisira zvimiso.

Pepa iroro zvakare rinoda vana vanoverenga vachinzwisisa. Haizi nyaya yekumhanya nemazwi asi kunzwisisa kuti mazwi iwayo anorevei.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×