GRADE 7: Mazwi neuwandu

Ticha Danga
NEKUDA kwekutaura kwakamonyoroka kwatinoita chiShona nguva zhinji, zvinoita kuti kumonyoroka ikoko kupedzisire kwava kuita kunge ndizvo zvinofanirwa kuitwa. Izvi zvinokonzerwa nekuti hapana anenge achigadzirisa mhosho idzi. Kana zvino vana vanonyora mumabhuku, vanobva vakwachurirwa mamakisi avo vachifunga kuti vari kugona.

Unoona vana vachinyora kuti “mabapu” panze pekuti mapapu. Vamwewo nekusaziva vanoti “marufu” panze yekuti rufu.

Tichabata zvine chekuita nekuiswa kwemazwi muuzhinji.

Kana tichiona kana kushandisa mazwi anotanga na“g” ari muushoma, anozoshanduka kazhinji kupinza “k” kana onyorwa muuzhinji. Tinotora muenzaniso wekuti “gavi” rinoshanduka kuti makavi, gurwe – makurwe, gwenzi – makwenzi, garwe – makarwe. Haasi ose mazwi anotanga na “g” anoshanduka sekudaro. Mamwewo anoramba akachengetedza “g” sekuti gaba – magaba, gidi – magidi, gudza –magudza, gejo – magejo.

Mazwi anotanga na”d” anoshandura “d” kuita “t” kana onyorwa muuzhinji.

Hatitorei muenzaniso wezwi rekuti damba rinoshanduka kuita matamba. Vana vazhinji vanonyora kuti “madamba”. Dombo muuzhinji matombo, demo – matemo, dura – matura, dara – matara.

Mazwi mazhinji anotanga na”k” haashanduka muuzhinji. Izwi rinoti katsi rinongoramba rakadaro chero raiswa muuzhinji. Ndizvo zvimwe chete nakero – kero, kamba – kamba.

Mazwi anotanga na”h” zvakare haashanduki kana ava muuzhinji. Hozi inoramba iri hozi, hondo – hondo, hamba – hamba, hembe – hembe.

Mazwi ana“ch” anoshanduka kuva “zvi” kana ava muhuwandu. Tinoti chingwa – zvingwa, chituro – zvituro, chitoro – zvitoro, chibhakera – zvibhakera, choto – zvoto.

Kana achitanga na”b” anosanduka sekuti banga ndimapanga, bete – mapete, bapu – mapapu, bundu – mapundu, bonde – maponde.

Mazwi anotanga na”r” anoda kungwarirwa nekuti anotora mitara miviri yekuti mamwe haashanduke asi mamwe anoshandura “r” achiva “m”. Sekuti rupasa – mhasa, ruoko – maoko, rambi – marambi.

Mawzi mazhinji anotanga na”t” haashanduke. Tsuro inoramba iri tsuro, tsono – tsono, tsunga – tsunga, tsamba – tsamba, tsenza – tsenza, tsombori – tsombori.

Mazwi anotanga na“u” mazhinji acho haashanduke. Upfu rinoramba riri upfu, uswa – swa, urwere – urwere, urimbo – urimbo, ukama – ukama, utunga – utunga.

Anotanga na”z” anonyorwa kuchitangwa kuiswa “ma” kana ava muuzhinji. Tinoti zera – mazera, zino – mazino, zondo – mazondo, zamu – mazamu.

Tinopedzisira nemazwi anotanga na”n”. Aya haashanduki sekuti nyuchi – nyuchi, nyoka nyoka, nhopi – nhopi, nyama – nyama.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *