‘GUDO NDERANGU’

Kingstone Mapupu

MUKADZI wemuHarare anoti ndiye akatumira horomba yegudo iro rakakonzeresa tsaona yemumugwagwa mazuva mashoma adarika apo pakafa munhu mumwe chete, vamwe ndokukuvara.

Mudzimai uyu anoti kana muporofita uyu akasodzosa US$4 000 yake yaakamudya achinyebera kumubatsira, “rwendo rwuno tinosvitsana kumapena”.

Muporofita weJohane Masowe weChishanu wekuChitungwiza – Madzibaba Elias Gomwe (41) – anoti akangoerekana oona gudo rava kumubvutira chimudhiraivo apo aityaira mota yake achibva kwaGandanzara, kwaRusape uko ainge anoshandira imwe mhuri.

Nyaya yetsaona iyi yakazobuda muKwayedza svondo rapera pashure apo Madzibaba Elias airondedzera mashura akaitika kwaari aya – gudo parakabvuta chimudhiraivho, motokari ichibva yabuda mumugwagwa, ndokupidiguka kaviri pakafa munhu mumwe chete.

Zvichitevera kubuda kwenyaya iyi munhau, mudzimai anogara kuEpworth uye anoti anonamata naMadzibaba Elias, anobuda pachena kuti ndiye ane horomba yegudo rakakonzeresa nyakanyaka mumugwagwa iri.

Mukadzi wekungoda kuzivikanwa saMadzimai Esnathi uyu ari kuti Madzibaba Elias akamudya mari yake inosvika US$4 000 iyo akamubhadhara achiti airapa mwana wake uyo akazofa uye zvakare akaparadza imba yake mushure mekunge amupfimba izvo zvakazozivikanwa nemurume wake.

. Onai nyaya iyi izere muKwayedza resvondo rino.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *