Hakuzenge kufara ikoko: Kwangwa

Abel Ndooka

KEPUTENI mutsva wechikwata chenetball chenyika chemaGems, Felistas Kwangwa anoti chiremerera chikuru chaakapihwa kuti atungamire apo vari kunokwikwidza kumakwikwi eAfrica Netball Championships achaitirwa kuSouth Africa kutanga nemusi weChishanu chino.

Kwangwa ndiye akagadzwa kuve kaputeni wemaGems zvichitevera kuenda kwaPerpetual Siyachitema uyo akasiya chikwata ichi chichangobva kumakwikwi eVitality World Cup ayo akaitirwa kuLiverpool nguva yadarika.

Achitaura neKwayedza ari muHarare svondo rino apo maGems akapihwa $250 000 nekambani yeNational Foods yekutsigira chikwata ichi kuti chiende kunokwikwidza kuSouth Africa, Kwangwa anoti ari mudenga rechinomwe.

“Kwandiri zvinhu zvinofadza, zvinorakidza kuti ndiri kushanda nesimba mubasa rangu uye matambiro andiri kuita anoyemurwa zvikuru.

“Izvezvi tarisiro yangu kuti nditungamire chikwata chedu kuSouth Africa tinohwina. Tinoda kuti mukombe uuye kuno uye tiende pamusoro peSouth Africa neUganda pamaWorld rankings.

“Kutsiva Perpetual Siyachitema hakusi nyore asi ini ndichashanda nesimba kuti ndinyore nhoroondo yanguwo,” anodaro Kwangwa.

Makwikwi e2019 Africa Netball Championship achange aine zvikwata zvinomwe.

MaGems akaiswa muboka remuPool B iro rine Uganda, Kenya neEswatini.

“Hatisi kudzokera shure sechikwata, tarisiro yedu kuti titambe zvakare kuWorld Cup uye 2023 tinenge tiriko kuCape Town, kuSouth Africa, uko kuchaitirwa mitambo iyi,” anodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *