Handisi kumira: Baba Harare

Malven Mugadzikwa

MUIMBI ane mukurumbira wemusambo weJiti Braveman “Baba Harare” Chizvino anoti ari kuramba achipakura nziyo pamwechete nemavhidhiyo akakasiyana-siyana senzira yekufadza vatsigiri vake.

Baba Harare akataura mashoko aya mushure mekuparura madambarefu maviri gore rino anoti  Ramba Wakadzvanya iro akakaparura munaNdira kuchizoti rechipiri, Generator, rakaparurwa munaMbudzi.

Generator rine nziyo dzinosanganisira Generator, Rita, Jiti Gure naI Will Never Fall in Love’.

“Kana ndichine simba nechipo zvekuimba hapana chingandimisa kuimba nekuparura zvitsva. Chakandikoshera ndechekuti ndaburitsa nziyo dzinowana rutsigiro kubva kune veruzhinji. Kana zvandinenge ndaburitsa zvikasafarirwa nevamwe, ndinozvitenda uye handingazvirambi asi zvinondibatsira kugadzirisa panenge papotseka. Handisi kumira panyaya yekufadza vanhu nekuti ndicho chipo chandinacho,” anodaro Baba Harare.

Padambarefu rake idzva raachangobva kubura,  Baba Harare anoti akagadzira mavhidhiyo anosanganisira ekambo Generator.

Anoti vhidhiyo iri rinonyatsobudisa zvidobi zvematambirwo emusambo weJiti uye veruzhinji vari kuri gamuchira nemufaro.

“Nziyo dzangu ndinodzigadzirira chero vari kune dzimwe nyika. Ndinotora mukana wekushandisa mavhidhiyo kubuditsa mashoko angu. Vhidhiyo rakaita saGenerator ndiwo muenzaniso wemavhidhiyo anofadza chero vasinganzwe mutauro wechiShona wakashandiswa pakuimba kwevhidhiyo iri,” anodaro.

Baba Harare anoti parizvino ari kubika rimwe vhidhiyo kubva padambarefu rake idzva rekambo Jiti Gure.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *