Hatfield Girls yagadzirira mujaho

Abel Ndooka —
HATFIELD Girls High yemuHarare inoti chikwata chayo chemujaho wekumhanya chagadzirira kukwikwidza kumitambo yeMbare-Hatfield District Track and Field Competitions.

Mijaho iyi ichaitirwa paAllan Wilson, muHarare musi wa3 Kurume uye ndipo pachazosarudzwa chikwata chichazonomirira purovhinzi yose kumijaho yemaProvincial Competitions.

Mutungamiri wechikoro cheHatfield Girls High – Mai Tsungai Makura – vanoti chikwata chavo chagadzirira zvikuru kuenda kumitambo iyi.

Vanoti chishuwo chavo ndechekupinda mumakwikwi emapurovhinzi kusvika kune enyika yose pamwe nekunze kwenyika.

Mai Makura vanoti gore rino Hatfield Girls High ine shangwiti dzinomhanya zvikuru idzo vachatumira kuAllan Wilson masvondo ari kutevera kumijaho yedistrict.

“Gore rino tine vasikana vanomhanya kunge vakomana uye tinodada navo zvekuti tiri kuvatemba kuti vachanobata basa sebasa kumijaho yedistrict.

“Gore radarika, takamirira-mira nekuti takapedza tiri pechitatu asi gore rino tinoziva kuti tisu tichahwina muMbare-Hatfield uye tichange tine shangwiti dzichanokwikwidza kumijaho yenyika yose,” vanodaro Mai Makura.

Mashoko avo anotsinhirwa nachamangwiza wezvemitambo paHatfield Girls High, Elizabeth Mabhugu, achiti gore rino chikwata chavo chakaisa tariro yacho pavatambi vakaita saNicole Matongorere, Trish Nyamunga, Mildred Ndoro, Anna Njenga naTafardzwa Nhira kuti vagohwapura menduru kumijaho yenyika yose.

Vasikana ava ndivo vevamwe vakadadisa zvikuru svondo radarika apo pakaitwa makwikwi emainter-house competitions pachisarudzwa chikwata chichazonomirira Hatfield Girls High kumujaho weMbare-Hatfield District Competitions.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *