neMunyori weKwayedza
HONDO yekurwisa denda regomarara muZimbabwe ichawana rutsigiro rukuru svondo rino apo kambani yeZimpapers ichaita chirongwa cheCancer Power Walk yegore ra2026.
Sezvo kwasara mazuva mashoma kuti kuveko nechiitiko chikuru munyika chinotungamirirwa nemakambani chekusimudzira ruzivo pamusoro pegomarara pamwe nekutsvaga mari, veZimpapers vazivisa kuti gadziriro dzose dzekupedzisira dzaitwa.
Chirongwa ichi chichaitwa nomusi weMugovera uno, pasi pedingindira rinoti “Nhoroondo dzedu dzakasiyana, Rwendo rwemunhu wose rwakakosha”.
Kufamba kwepagore uku kuchaitwa panguva imwe chete muHarare, Bulawayo, Mutare, Gweru, Chinhoyi neMasvingo. Kuchaunza pamwe chete nharaunda, makambani, vashandi vezveutano, vakapona pachirwere chegomarara, mhuri nevanotsigira hondo iyi. Vachange vakabatana mukurwisa denda iri.
Vanenge varipo vanogona kufamba netsoka, kumhanya kana kuchovha mabhasikoro, uye mari yose inowanikwa ichashandiswa pakubatsira vanorwara negomarara, kuburikidza nesangano reIsland Hospice and Healthcare, rinova rimwe remasangano ari mberi muZimbabwe anochengetedza vanorwara negomarara.
Chamangwiza weZimpapers Group VaWilliam Chikoto vakati gadziriro dzose dzekufambiswa kwezvinhu dzakatopedzwa uye vakakurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zvakasiyana-siyana kuti zvipinde mukufamba uku.
“Tiri kufara kuti zvose zvave panzvimbo maringe neZimpapers Cancer Power Walk ya2026,” vakadaro.
“Chirongwa ichi chiri kuramba chichikura nokuti vazhinji muZimbabwe vanoziva kuti gomarara rinobata mhuri, nharaunda nenzvimbo dzekushandira.
“Kuburikidza nechiitiko ichi, hatisi kungosimudzira ruzivo chete, asi tiri kuunganidzawo zviwanikwa zvekutsigira avo vakabatwa negomarara.
“Gomarara rinoramba riri rimwe rematambudziko makuru ezveutano akatarisana nenharaunda yedu. Nokudaro, tinokumbira makambani, masangano nevanhu pachezvavo kuti vabatane nesu pahurongwa hwakakosha uhwu. Munhu wose achapinda muchirongwa ichi nerubatsiro rwose ruchapiwa zvinounza mutsauko muupenyu hwemumwe munhu.”
VaChikoto vakatenda masangano nevabatsiri vari kuramba vachiwanda vari kutsigira chiitiko ichi.
“Tinotenda zvikuru vatsigiri vedu vose nevanodyidzana nesu, avo vane rudo runoramba ruchiita kuti chirongwa ichi chibudirire,” vakadaro.
“Rutsigiro rwavo runoratidza simba rekubatana mukuunza zvakanaka panyaya dzeutano nenharaunda.”
Masangano ari kutsigira chiitiko chegore rino anosanganisira FBC Holdings Limited; POSB; National Employment Council (NEC) for the Printing, Packaging and Newspaper Industry; GanZim; Valley Visions; LinkShield; National Blood Service Zimbabwe; Rugare Medical Aid Society; Health Professions Authority Zimbabwe; Lobels Bread; Zimnat; Ecobank; Harare Onco; Karorina’s Wellness Spa; Puma; Forestry Commission; Sir Charles; Zorro; Skyz Metro FM; Beyond Events; uye LC Shipping.
Kunze kwekufamba uku, pachave nekuongororwa kwepachena kwemuviri pamwe nezvirongwa zveutano, zvichipa vachapinda muchirongwa ichi mukana wekuongororwa utano hwavo nekugamuchira mashoko anokosha kubva kuna vanachiremba. Izvi zvichasanganisira mazano ekuziva nezvegomarara pamwe nekumwe kuongororwa kuitira kukurudzira kubatwa kwechirwere ichi nenguva pamwe nemararamiro ane utano.
Makambani ari kukurudzirwa kunyoresa zvikwata zvevashandi vavo uye kushandisa chiitiko ichi kusimudzira utano hwevashandi, vachitsigira chirongwa chakakosha chenyika.
“Tinokurudzira makambani kuti atsigire vanhu vanoda kupinda, kunyoresa zvikwata zvevashandi vavo uye kubatana nesu mukuwedzera kupararira kwechirongwa ichi,” vakadaro VaChikoto.
“Kurwisa gomarara ibasa redu tose uye pamwe chete tinogona kuchengetedza upenyu kuburikidza neruzivo, kuongororwa chirwere nenguva uye kuwaniswa kwerubatsiro ruri nane.”
Vanoda kupinda vari kukurudzirwa kunyoresa pamwe nekukoka nhengo dzemhuri, shamwari nevavanoshanda navo kuburikidza nedandemutande: https://cancerwalk.zimpapers.co.zw/paymentplatform/public/
Mari yekupinda nayo iUS$15. Vana vari pasi pemakore gumi nemaviri vanopinda pachena.
Mukuru weIsland Hospice and Healthcare, Doctor Ngoni Nyambawaro, vakati kufamba uku kwave nzira yakakosha yekusimudzira ruzivo nekugadzirira rutsigiro kuvarwere vegomarara.
“KuIsland Hospice and Healthcare, tinoona tiri pedyo marwadzo emuviri, epfungwa neezvemari anounzwa negomarara kuvarwere nemhuri dzavo,” vakadaro.
“Zimpapers Cancer Power Walk hachisi chiitiko chekutsvaga mari chete, asi izwi renyika rinoshevedzera kuti tiite chimwe chinhu uye tibatane.
“Gomarara harizivi miganhu, mabasa kana magariro emunhu. Ngatizadzei migwagwa nomusi waMbudzi 7 uye titumire shoko rine simba rokuti Zimbabwe yakabatana mukurwisa gomarara.
“Pamwe chete, tinogona kuve nechokwadi chokuti hapana anofamba rwendo rwegomarara ari ega.”
Apo mazuva ekusvika Mugovera ari kuramba achishomeka, migwagwa yose yakananga
kuZimpapers Cancer Power Walk.