Abel Ndooka
SACHIGARO weNorthen Region Soccer League (NRSL) Division One, Sweeney Mushonga, anoti kuuya kwechirongwa chevideo assistant referee (VAR) munhabvu yemuno kuchabatsira zvikuru kuti mutambo uyu usimukire.
Svondo radarika, murairidzi wevaridzi vepembe weFIFA, Felix Tangawarima, uyo aimbove muzvinapembe ane mukurumbira, akazivisa kuti chirongwa cheVAR chichatanga kushanda munhabvu yemuno nomusi wa28 Mbudzi apo Hardrock FC ichasangana neHighlanders mufainari yemutambo weChibuku Super Cup, uyo uchaitirwa kuChahwanda Stadium, kuKwekwe.
Achitaura svondo rino, Mushonga akati kuuya kweVAR kwakakosha zvikuru uye kuchabatsira kuti mitambo yenhabvu yakasiyana-siyana ifambe zvakanaka. Anoenderera mberi achiti VAR ichaita zvakare kuti zvikwata zvose zvigutsikane nezvinenge zvabuda pamitambo yazvo.
“Sokuona kwangu, kuuya kwechirongwa cheVAR kwakakosha zvikuru kunhabvu yedu yemuno. Kuchabatsira kugadzirisa zvinhu zakawanda uye kuita kuti mitambo yedu ifambe zvakanaka. Pamusoro pezvo, zvikwata zvose zvinodzokera kwazvabva zvakagutsikana panopera mitambo.
“Panotambwa mitambo yakasiyana-siyana, varidzi vepembe vanenge vachiita basa hombe zvokuti dzimwe dzenguva vanotadza kuona zvimwe zvinhu zvinenge zvichiitika, saka kuvepo kweVAR kuchaita kuti mitambo yenhabvu ifambe zvakanaka. Zvimwe zvinenge zvavapotsa zvinonhongwa neVAR. Panopera mitambo, munhu wose anodzoka kumba agutsikana, asina kakufungira kuti pabirirwa nokuti zvose zvinenge zvichionekwa neVAR,” anodaro.
Anoti mwaka wa2026 wenhabvu yemuNRSL wafamba zvakanaka, apo gore rino zvikwata zvemuligi iyi zvange zvakawanda kudarika mamwe makore adarika.
“Gore rino tanga tiine zvikwata zvakawanda muNRSL asi mitambo yacho yange ichifamba zvakanaka. Hatina nyaya dzakawanda dzatakambonzwa dzokuti mitambo yatadza kufamba nemazvo; zvose zvange zvichifamba zvakanaka. Tine mufaro kuti gore negore ligi yedu iri kuramba ichikura,” anodaro.
Anoti nekufamba kwenguva, vanotarisirawo kuti VAR izouyawo kuNRSL.
“Ishuviro yedu kuti VAR inge irimowo mumitambo yedu, asi zvinoenderana nokuti zvikwanisiro zvacho zviripo here.
“Tinoyemura varidzi vepembe vanga vachiita basa mumitambo yedu mwaka uno; vanga vachitigonera chaizvo; vanga vachiita basa sebasa,” anodaro Mushonga.
Mwaka weNRSL uri kupera svondo rino, apo pachaonekwa kuti ndechipi chikwata chichahwinha tikiti rekupinda muCastle Lager Premiership Soccer League mwaka unotevera. Black Rhinos iri kurwisana neHarare City muhondo yekuda kuwana tikiti iri.
Black Rhinos, iyo inozivikanwa zvakare nezita rokuti Chauya Chipembere, ichasangana neKaroi United; uye maSunshine City Boys (Harare City) achatamba neJumbo Stars.