Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) akasunga vanhu vanodarika makumi maviri vaitengesa zvinodhaka zvemhando dzakatsaukana-tsaukana, vakaendeswa kumatare edzimhosva uko vakapihwa zvirango zvakakodzera.
Vakaendeswa kumatare edzimhosva ava vanosanganisira Audrey Masaidi (33), wekuRetreat, Waterfalls, uyo akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 18 awanikwa aine zvinodhaka; uye Joseph Njaravani (23), wekuGlendale, uyo akapihwa mwedzi 18 mujeri awanikwawo aine zvinodhaka.
Easter Beans (29), wekuHatcliffe, akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu nokuda kwemhosva yekuwanikwa aine zvinodhaka; Tinotenda Mubaiwa (27), wekuBraeside, muHarare, akapihwawo mwedzi 12 yekugara mujeri.
Thulani Khumalo (28), wekuNew Marimba, muHarare, akapihwa mwedzi 12 zvakare awanikwa aine zvinodhaka; uye Tatenda Famba (27), wekuChitungwiza, akapihwawo chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi.
Mavis Nyamagodo, wekwaSeke, kuChitungwiza, akapihwawo nguva inoita mwedzi 12 mujeri; Sasha Maposa (35), wekuUshewokunze, akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 24 nokuda kwekuwanikwa aine mishonga yekurapa asina matsamba.
Angel Kazanda (38), wekuMkoba, kuGweru, akapihwa mwedzi gumi nemiviri mujeri awanikwawo aine zvinodhaka.
Vamwe vakasungwa vanosanganisira Yonela Ndlela (35), wekuCape Town, kuSouth Africa, uyo akapihwa mwedzi mina nemhosva yekupinda munyika zvisiri pamutemo; uye Bongani Chinyoka (26), wekuDulibadzimu, kuBeitbridge, uyo akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mishanu nokuda kwekuwanikwa aine zvinodhaka.
Vamwewo vanosanganisira Doubt Machokoto (40), wekuGokwe, uyo akapihwa mwedzi mina mujeri; naSoka Msinthem (33), wekuMalawi, uyo akapihwa mwedzi 15 mujeri awanikwa
aine mishonga yekurapa isina magwaro.
Tinozivaishe Zimbeva (29) akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu nokuda kwekuwanikwa aine zvinodhaka.
Mtumba Mangala (18), wekumaAvenues, muHarare, akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 11 awanikwa aine mishonga yekurapa isina matsamba.
Hamilton Chikwati (43), wekuGweru, akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 14 awanikwawo aine mishonga yekurapa isingabvumidzwi uye asina matsamba.
Vamwewo vakasungwa vakakandwa mujeri vanobatanidzira Clinton Zhou (27), wekuSpitzkop North, kuGwanda, uyo akapihwa mwedzi gumi mujeri nokuda kwekuwanikwa aine zvinodhaka; naCecillia Nduna (21), wekwaChivi, kuMasvingo, uyo akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu.
Shelter Tshuma (25), wekuInyathi, akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi awanikwa aine mbanje.
Vamwewo vanoti Buhlebenkosi Hlabangana (20), wekuInyathi, uyo akapihwa mwedzi gumi mujeri nemhosva yekuwanikwa aine mbanje; Patience Prisca Moyo (23), wekuInyathi, uyo akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi nemhosva yekuwanikwawo aine mbanje, asina matsamba anomutendera kuita izvozvo; uye Cecelia Nduna (20), wekuMasvingo, uyo akapihwa mwedzi mitanhatu mujeri awanikwawo aine mbanje.
Somandhla Liberty (19), wekuBindura, akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 24 nokuda kwemhosva yekuwanikwa aine mbanje; uye Lilian Mupandenyama (26), wekuBindura, uyo akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 36 nokuda kwemhosva yekuwanikwa aine mbanje.
Underson Chitabura (28), wekuShamva, akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi nemiviri nemhosva yekuwanikwawo aine mbanje.
Zvakadaro, mutauriri wemapurisa muchikamu chematikitivha cheCriminal Investigation Department (CID), Detective Inspector Rachel Muteweri, vanoti kurwiswa kwekutorwa kwezvinodhaka kucharamba kuchiitwa.
Vakakurudzira kuti vanhu varidze nhare panhamba inoti 0242703631 kana kutumira mashoko paWhatsApp panhamba inoti 0712 800 197 vachipa nyevero.
Pix
Vanotengesa zvinodhaka vopera kusungwa
Det Insp Rachel Muteweri, Mbanje
06-11-26