KWAYEDZA

Tete Miriam voshumira nedonzvo rekuswededza vanhu pedyo naMwari

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero ari kusimukira Caroline Chinengundu, uyo anozivikanwa nevazhinji saTete Miriam, anoti ari kutora chikamu chekutendeutsa vanhu achivabvisa muupenyu hwenyika achivaswededza pedyo naMwari.

Tete Miriam, avo vakaita mukurumbira nekambo kakambonetsa kainzi “Pfugama Unamate”, vanoti donzvo ravo rekuita zvemhanzi nderekuparidza shoko raJehovha uye kutendeutsa vanhu kuti vafambe mugwara rakanaka, vachitevedza mirairo yaMwari. Vanoti: “Ini chikonzero chikuru chakaita kuti nditange kutsikisa mhanzi kushevedzwa kwandakaitwa kuti ndiparidze shoko raMwari uye kutendeutsa vanhu kuti vauye kuna Mwari.

“Ndikanzwa kuti vanhu vatendeuka, vave kutevera Mwari, zvichiburikidza nemhanzi yangu, ndinonzwa kukomborerwa chaizvo uye zvinobva zvandituma kuti ndirambe ndichishanda nesimba, ndichibika dzimwe nziyo itsva,” vakadaro Tete Miriam.

Kubva zvavatanga zvemhanzi mugore ra2017, Tete Miriam vakabura nziyo dzakasiyana-siyana, dzinosanganisira “Pfugama Unamate” uye “Ndibvutei Baba”, ako kakahwinha mubairo kumakwikwi eZimbabwe Community Trailblazers Awards.

Gore rino vakabura dambarefu ravo rokutanga rinonzi “Nyaya Dzevanhu”, iro rine kambo kari kupisa zvikuru parizvino kanonzi “Hamubvisiwe Nemunhu”, kavakaimba naWayne Wine, uyo anobata ari kuchikwata cheFollowers of Christ.

Dambarefu ravo iri, “Nyaya Dzevanhu”, rine nziyo sere. Vanoti kushanda nevamwe mune zvemhanzi kunobatsira zvikuru kuti vaimbi vose vasimukire uye basa ravo rigamuchirwe nevatsigiri vakasiyana-siyana.

“Mhanzi yemuno inoda kushinga zvakanyanya, naizvozvo ndakazviona kuti kushanda nevamwe vaimbi kwakakosha uye kunobatsira kuti vaimbi tose tisimukire.

“Pandakashanda naWayne Wine pakambo kangu kanonzi ‘Hamubvisiwe Nemunhu’, ndakadzidza
zvakawanda, ende ndiri kutoona shanduko huru pakusimukira kwangu semuimbi.

“Zvakadaro, ndiri kushuvira kuti ndigoshanda nevamwe vaimbi vakasiyana-siyana, vanosanganisira Agartha Murudzwa naTrymore Bande,” vanodaro Tete Miriam.