Ibrahimovic chidadiso: Henry

THIERRY Henry anofunga kuti mutambi weManchester United, Zlatan Ibrahimovic, ane tarenda rakakurisa uye anofanira kutanga kuchinwisa zvakare sezvo ave mitambo mitanhatu achitatarika.Ibrahimovic ave nemitambo mitanhatu asina kumbonwisa muPremier League izvo zvaona chikwata chake chichidzikirawo palog.

Asi Henry, uyo akambotamba nemutambi uyu panguva yavaive kuBarcelona, anofunga kuti chizvarwa chekuSweden ichi chinogona kungomuka chibhebhenenga vanhu vasingafungire.

Achitaura pachirongwa cheMonday Night Football, Henry akati, “Mibvunzo yakawanda yange iri yaJose Mourinho naWayne Rooney asi iye zvino yave kuna Zlatan Ibrahimovic.

“Aka ndekekutanga achizviwana ari panguva yakadai pose paatamba nhabvu.

“Anowanzonwisa chete uye zviri kuitika hatizive zvichiitika kwaari.

“Anofanirwa kuzvigadzirisa. Ndinoziva kuti anokwanisa kuzvigadzirisa asi zvingabatsire kana zvikagadzirika iye zvino nekuchimbidza kwete pasisina nguva.”

Ibrahimovic akatanga zvakanaka hupenyu hwake kuOld Trafford izvo zvakamuona achinwisa kana mumitambo mina yePremier League.

Asi kubva paakanwisa mumutambo weUnited, apo yakakundwa neMan City nguva pfupi yadarika, akangonwisa kamwe chete mumitambo 10.

Paakabvunzwa kuti kusanwisa kwaIbrahimovic kuri kumukanganisa mupfungwa here, Henry akati, “Kunokanganisa, kunyanya panguva iyo chikwata chako chinenge chisiri kuhwina.

“Dzimwe nguva zvakanaka kana ukasanwisa asi chikwata chako chohwina, asi iye anoziva kuti anga achiwana mikana yekunwisa mumitambo mikuru.

“Hongu, zvinomukanganisa asi ndinomukurudzira kuti atambe zvine mutsindo abatsire United kuhwina nekuti mutambi wemhando yepamusoro,” akadaro.

“Zvange zvisiri kumufambira zvaanoda kuUnited nguva yadarika iyi, asi anofanirwa kutsvaga nzira yekunwisa nekuti chikwata chake chinozvida.

“Zvingave zviri kumukanganisa? Hongu, asi munhuwo uye anazvo zvose mupfungwa dzake kuti asimuke kubva paari.” – Sky Sports News.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *