‘Imhosva kuuraya haka’

Kingstone Mapupu—-

VERUZHNJI vanokurudzirwa kuti vakoshese mhuka dzinochengetedzwa pasi pemutemo wenyika nepachivanhu dzakaita haka.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaKufandada Musonza, avo vanova Sadunhu Musonza kuGoromonzi, zvichitevera madehenya ehaka anonzi ari kunhongwa mudunhu ravo izvo zvinoratidza kuti kune vamwe vanhu vari kuvhima vachiuraya mhuka idzi.

“Mudunhu rangu muno mune nhubu dzevanhu, vari kufamba mumakomo nemumasango vachiuraya mhuka dzakasiyana dzinosanganisira haka. Ini sasadunhu kuno ndinoti hatidi tsika yakadaro.

“Tinoda kuti mhuka dzedu dzichengetedzeke vana vedu vagozivawo kuti kune mhuka dzakadaro kwete kudziuraya. Imhosva pasi pemutemo wenyika nekunesu semasadunhu nemadzishe kuuraya mhuka dzakaita seidzi,” vanodaro Sadunhu Musonza.

Vanoti munguva pfupi yadarika, makurokota avo akauya nedehenya rehaka rairatidza kuti yakanga ichangobva mukuuraiwa.

“Haka iyi yaiva yauraiwa ndokubviswa nyama mukati. Yakanhongwa kugomo reGoromonzi mudunhu mangu. Muno haka dzirimo asi ndedzechivanhu, dzepasi idzo dzinofambidzana nemhondoro nemasvikiro emuno.

“Saka tinoti kune veruzhinji vanhu ngavasiyane netsika yekuuraya mhuka idzi nedzimwe inova mhosva huru kune anenge abatwa achizviita,” vanodaro Sadunhu Musonza.

Vanoti kune vanhu vane pfungwa dzakasiyana pamusoro pehaka.

“Kune vamwe vanhu vanofamba vachiti haka inodya goridhe saka ukaiuraya unowana goridhe rakawanda mudumbu mayo. Chandinoziva ndechekuti haka imhuka inofambidzana nemabasa epasi, evadzimu chete.”

Kunze kwehaka, Sadunhu Musonza vanoti kune dzimwe mhuka dzakawanda dziri kuuraiwa mudunhu ravo nevavhimi, zvikuru kumapurazi emuGoromonzi. “Tine mapurazi muno ane mhuka kunyangwe dzave shoma zvadzo. Vaya vanovhima zviri kunze kwemitemo vari kuwanikwa vachifamba nembwa dzakawanda vachiuraya mhuka idzi,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *