‘Imhosva yekanzuru’

Tatenda Moyo
SAMUSHA aimboshanda kuimwe kanzuru akapotera kudare achida kuti mari yemendenenzi yaari kubhadhara idzikiswe zvichitevera kupera kwakaita basa.
Absalom Ndundu akamhan’arira Eva Kuipa kuHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi ideredzwe kubva pa$180 kuenda pa$100.

“Changamire, amai ava vanogarondishupa vachida mari yavanonyatsoziva kuti ini handina. Mwedzi nemwedzi vanouya vachinetsera mari asi vachinyatoziva kuti basa kukanzuru rakapera. Matsamba nditori nawo ekupera kwebasa. Handizivi kuti anoda kuti ndiite minana yemutowo upi kuti mari iyoyo ibude.

“Pari zvino ndiri kurima asi munozivawo kuti zvinhu zvakaoma sei uyezve zvekurima mari haiuyi pamwedzi woga-woga sekunge munhu ari kushandira Hurumende kana basa rimwewo zvaro rinotambirisa pamwedzi,” akadaro Ndundu.

Ndundu akati anotovewo nechido chekuchengeta mhuri yake zvakanaka asi zviri kumukunda.

“Dambudziko rakazongotanga chete munaKurume wegore rino asi pese apa zvinhu pazvaifamba ndaingobhadhara wani pasina dambudziko.

“Nekudaro ndizvo zvakonzera kuti ndiuye pamberi pedare kuti dai randibatsira nekudzikisa mari yemendenenzi kubva pa$180 kusvika $100,” akadaro Ndundu

Kuipa akapokana naNdundu achiti mari yaaitaura yakanga isingakwani kuriritira vana vake vaviri.

“Vedare, baba ava havasi kuriritira vana vose vari vaviri. Vatova nemwedzi yakawanda vasina kana sendi zvaro ravati vabvisa. Ave kutotambudzika zuva nezuva ndini kuti ndizame kuti vana vadya nekupfeka, kozoti zvikoro futi.

Ndatove shirikadzi ivo baba vevana vangu varipo.

“Chichemo chandava kutopa ndiri ini ndechekutoti dai dare rakwanisa kungosiya mari iri pairi ipapo nekuti tikada kutonyatsotarisisa iyo yacho iri kunzi idzikiswe haitokwane,” akadaro Kuipa.

“Murume uyu mari anotoiwana nekuti anorima zvekutengesa. Handizvibvume izvozvo zvekuti mari yevana vanoishaya. Nembiri yaita varimi mukore uno nekuwana mari yakawanda mukutengesa zvirimwa munoti imi murume mukuru anotadza kufunga kuti ane vana ochengetedza pashoma-pashoma kuti mhuri yake irarame?

Zvekunzi basa rakapera ndakangozvinzwawo nerunyerekupe uye havana kundiudza saka ndichiri kutotora sekunge vachiri pabasa. Mapepa vandiratidza havo asi handisi kubvumirana nawo nekuti vanokwanisa kunge vakagadzira avo vega.”

Mutongi Barbra Masinire akati nyaya yavaviri ava yaizodzoka zvakare mudare.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×