Ine chimbwamupengo: VET

Kingstone Mapupu
BAZI rinoona nezvekuchengetedzwa kwezvipfuyo, reDepartment of Livestock and Veterinary Services, rinoti chirwere chechimbwamupengo (rabies) kana chikabata mombe, inogona kuita zvisinganzwisisike zvakaita sekuita hasha dzakadarikidza uye ichidzinganisa vanhu.

Izvi zvinotevera nyaya yemombe yeimwe mhuri yekuSanyati iyo inonzi iri kupwanya dzimba ichipindamo ichidya zvinhu zvinosanganisira nyama.

Dr Reverend Spargo — avo vanoshanda kubazi iri vari kudivi rezvekurapwa kwezvipfuyo (Epidemiology and Diseases Control) — vanoti pane mikana mikuru yekuti mombe iyi ine chirwere chechimbwamupengo.

“Mombe iyi inofanirwa kunge iine chirwere chechimbwamupengo kana kuti rabies nekuti izvi ndizvo zviratidzo zvikuru zvedenda iri kumhuka dzose dzinobatwa naro, zvekuita hasha nekusatya vanhu,” vanodaro.

Vanoti pane chimwe chirwere zvakare chinokanganisa mombe pfungwa chinodaidzwa “heart water”, asi hachiwanzoita kuti mombe iite hasha.

“Kurudziro yedu ndeyekuti varidzi vemombe iyi kana vemunharaunda ngavashevedze machiremba eVeterinary Services vavaonere kuti dambudziko rapinda pamombe iyi nderipi nguva ichiripo. Asi nyaya huru tinoti ngavauraye mombe iyi votiunzira musoro wacho kumuzinda weVET uri kuHarare kuti tigoongorora dambudziko iri kusvika pamwongo waro,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *