‘Inyaya yakarongwa iyi’

MUKURU wezvedzidzo mudunhu reBindura akaudza Kwayedza kuti pasi pemutemo mubumbiro idzva, mwana musikana haatenderwe zvachose kurangwa achiita zvekurohwa nemudzidzisi.
Akataura mashoko aya zvichitevera nyaya yakaitika pachikoro cheRutope Secondary School, kwaMusana, apo pane runyerekupe rwekuti mwana musikana weForm 2 akarohwa nemudzidzisi wake achibva azotanga kurwara nemusoro achiita seabatwa nemamhepo.

VaJoramu Mupunza, avo vanova District Education Officer (DEO) weBindura, vanoti mwana wechikoro mukomana ndiye chete anobvumirwa kurangwa nekurohwa, asi izvi zvinoitwa bedzi zvichitungamirirwa nemukuru wechikoro.

“Mutemo wedu unoti mwana musikana haarohwe zvachose asi mukomana anorangwa mukuru wechikoro aripo, achiona,” vakadaro.

Votaura nezvemusikana wekunzi akarohwa nemurairidzi wake ndokubva atanga kubvotomoka paRutope Secondary, havana kubvuma kana kuramba kuti mwana uyu akarohwa.

“Tine varairidzi vedu vatatu vakaita dambudziko nevabereki vachipomerwa nyaya ine chekuita neSatanism. Izvi zvinhu zvakaita zvekurongwa, hakuna nyaya yakadaro uye hazvina chokwadi izvi.

“Hatizivi kuti chinangwa chevabereki ava ndechei saka vadzidzisi ava, nekuda kwekupomerwa nyaya idzi nekusawirirana nevabereki, vakazongoona kuti vabve zvavo pachikoro apa voenda kune zvimwe zvikoro zvainge zvakanaka,” vakadaro VaMapunza.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×