‘Inyoka kwete njuzu’

Munyori weKwayedza —
MBUYA Efrida Meja, avo vanove godobori rinoshanda riri pasi pesangano reZimbabwe Traditional Healers Association (Zinatha), vanoti njuzu inoonekwa kudziva kana kurwizi kune mvura, kwete mumba.

“Mudzimai iyeyu ndinoona sekuti akaoneswa nyoka dzevanhu kwete njuzu nekuti njuzu chaidzo hadzionekwe mumba asi kuti kudziva, kudhamhu kana murwizi mune mvura. Ndimo madzinotambira.

“Chinhu chaakaona chinogona kuve hushereketwa hwevanhu vari kuita zvemishonga yakaipa. Ini chaiye njuzu ndakaiona ndiri kudziva rekumusha kwangu kuMalawi nekuti ndine shavi renjuzu. Asi mumba kwete, haisati yambondishanyira,” vanodaro.

Vanoti njuzu inoonekwa nevanhu vane shavi renjuzu chete, kwete munhu wese-wese.

Vanhu vane shavi renjuzu, vanodaro Mbuya Meja, havatenderwe kudarika nepane madziva kana nekuti vanogona kutorwa nenjuzu.

“Kana mudzimai uyu aine shavi renjuzu, anenge achifanira kuitirwa bira kuti shavi iroro ribude. Bira iri rinoitirwa kudziva vanhu vachirara vachiridza ngoma.

“Asi, kana asingade shavi iri achida zvekunamata, anofanira kukasika kukumbirirwa nenzira yechivanhu kuti zvivharwe asaona zvinhu zvakadaro,” vanodaro.

Vanotizve munhu ane shave renjuzu anoonekwa kazhinji kacho nekufarira kupfeka chuma chichena nezvinopenya uye anogara akatsvinda nekuti njuzu haidi zvehuchapa.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×