Ita izvi panguva yenyoka

Abel Ndooka
SANGANO reEnvironment and Safety Managemnet Institute (ESMI) riri kupa yambiro kune veruzhinji kuti vangwarire nyoka, kunyanya dzerudzi rwemhungu, idzo dzinenge dzichitsvaga pekugara panotonhorera munzvimbo dzinosanganisira mudzimba zvichitevera kupisa kwakanyanya kuri kuita kunze.

ESMI inoti veruzhinji vanokwanisa kutevedza zvinotevera senzira yekudzivirira kuti nyoka dzisapinde mudzimba dzavo kana kuti dzisavarume.

  1. Musasiye mahwindo asina kuvharwa kwenguva refu. Mhungu kana rovambira rinogona kusvikira parefu rikapinda mumba.
  2. Musasiye magonhi edzimba akashama muchitsvaga kutonhorerwa husiku. Nyoka idzi dzakanyararisa zvikuru zvekuti dzinopinda mukatadza kudzinzwa.
  3. Usati wagara pasi pemuti uchitsvaga mumvuri kuti utonhorerwe, tarisa mumuti macho kuti hamuna nyoka dzinogona kunge dzirimo.
  4. Tarisa pamubhedha wako uye mumba mako maunorara nekuti mhungu ine tsika yekuhwanda mumagumbeze.
  5. Regai katsika kekare kekufarira kamhepo kanenge kari panze moenda nematiresi kana machira ekuzviputira husiku. Nyoka zhinji dzinovhima husiku uye dzakaipisisa panguva yezuva iyi.
  6. Hadzisi nyoka dzose dzinoruma, asi kune dzimwe dzisingawirirane nevanhu zvachose idzo dzinomhanya zvikuru uye dzichisvipira uturu hwakaipisisa.
  7. Chekai huswa hwakatenderedza mukova pamunogara. Muhuswa ndimo munogara makonzo nembeva izvo zvinofarirwa nenyoka.
  8. Tengai mushonga unodzinga nyoka momwaya pamunogara. Izvi zvinoderedza kushanyirwa nenyoka.

Ngwarirai musarwisane nenyoka dzinenge dzapinda mudzimba dzenyu, dzimwe dzinogona kuurayika nyore, asi dzimwe dzinonetsa serovambira rine huturu hwakanyanyisa. Kana ikarwiswa inokutandanisai zvamusati makamboona uye yokuruma kakawanda ichikudzingirira.

Kana ukarumwa nemhandi iyi yenyoka, unogona kutadza kurarama kwemaminitsi 40 anotevera sezvo unenge watofa. Saka zvakakosha chaizvo kungwarira pamunenge muchida kuuraya nyoka idzi.

Garai makachengetedzeka. Inguva yenyoka ino. Kuri kupisa zvikuru saka dziri kutenderera uye dzinogona kutadza kugadzikana uye dzotsamwisika nekukurumidza.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *