Kubvunza ‘Ndiani afa’ iwe uriwe wafa

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa

TINE zvinotisunganidza sevanhu vatema. Tinokwazisana, kuitana makorokoto nekubatana maoko kana tafirwa.

Kana mwana akazvarwa, tinogona kushaya zvipo zvatingape amai vemwana nemwana wavo, asi hurombo hwedu hauzoita kuti tishaye mashoko ekukorokotedza. Iwayo mashoko emakorokoto akakosha kudarika zvipo.

Panozvarwa mwana, kune vanoimba, vanopururudza, kutamba, kuseka nekunamata vachiratidza mufaro wavo. Kufara ikoku kunoitikawo zvakare kana pane kuroorerwa kana kuroora. Vavakidzani, hama neshamwari dzinouya kuzoona pamwe chete nekukorokotedza.

Kana kwafiwa, vanhu vanoenda kunochema nevafirwa. Varume vanonotsvaga huni, vamwe vachichera gomba, vachinwa doro nekutambidzana midzanga yefodya.

Kune rimwewo divi, madzimai vanoita mudeme-mudeme vachiuya nehupfu, vachibatsirana kubika, kuchera mvura, kusuka nekuimba.

Kuita kwerudzi urwu kunoita kuti nhamo dzedu kunyanya kumamisha dzive nhamo dzakasiyana nedzekuHarare kunoshanda mari kuita zvinhu zvinobatanidza vanhu mumusha.

Achitaura parufu rwemumwe mudzimai wechidiki akanga afa achisiya vana, mumwe mukuru aive nemhanza inopenya akati, “Munhu haasi wemunhu mumwe chete.”

Mashoko emukuru uyu akaburitsa hudzamu hwemafungiro nemaonero edu vanhu vatema. Ichokwadi, munhu wese ane chimwe chinhu chakakosha chaanoita muhupenyu hwevamwe vanhu.

Uye kana mwana achinge azvarwa, haarambe ari wedu nekuti achakura, uye agotumwawo nevamwe, kana kubatana nevamwe kushanda achibatsirawo vamwe vasiri vemhuri yake chete.

Mukuru uyu akataura mashoko ekuti “Munhu haasi wemunhu mumwe chete,” nyangwe zvake akanga achitaura achirangaridza mhuri yakanga yafirwa kuti kana mwanasikana achinge abva kumba kwababa namai vake achiuya kuzoita muroora mumusha wevamwe, hazvireve kuti avinga murume wake chete chete, kana kuti vana vake chete, kana mhuri yekwaanenge aroorwa.

Kumusha kunenge kwaroorwa mwanasikana, vanofanira kuziva kuti muroora wavo mwana wevamwewo vanhu, uye akarerwa nevanhu vake vanomuda nekuti mwanasikana wavo.

Mashoko ekuti “munhu haasi wemunhu mumwe chete” anotsinhirwa nemashoko akataurwa naJohn Doone, nyanduri wekuBritain wenguva yakare akati, “Hakuna munhu anorarama ari chitsuwa chakazvimirira nekuzvikwanira chega. Munhu wese ivhu, rinoti kana rabatanidzwa rinogadzira nyika.

Kana chitutu chevhu chikakukurwa nemvura, nyika inenge yatotapudzwa, kufanana nekunge gomo rakoromoka. Kufa kwemunhu upi zvake kunonditapudza, nekuti neniwo ndiri mumwe chete nevamwe vanhu vese.

Naizvozvo, kana pafiwa usade kutsvaga kuti ndiani afa, ndiwe wafa nekuti uri mumwe chete nemufi.

Nguva dzatiri kurarama sevanhu veZimbabwe dzave kuda kuti tizive kuti nyika ndini newe nezvakatikomberedza. Sei tisisinei nevamwe vanhu, uye tisisade kuti ivo vave nechekuita nehupenyu hwedu?

Tiri sadza rapakurwa kubva mupoto imwe chete. Tiri hama, tine rudo zvekuti nyangwe watiwana takagara murima, usatidzimirewo magetsi asipo.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×