Kunyora mazwi muhuzhinji

Ticha danga

MUTAURO wedu wakapfuma chose uye unodadisa kana tichitevedzera mataurirwo awo akanaka. Tinozouvhiringidza paya patinotadza kuutaura nemazvo. Zvinyorwa zvevana zvinovhiringidzwa naiko kusatevedzera zvinodiwa muchiShona chamandorokwati.

Vana vazhinji vanopedzisira vovaka mazwi avo kunyanya kana iri nyaya yekuisa mazwi muuzhinji. Kutadza kuisa mazwi muuzhinji ihosha inopfukuta basa revana nekudaro tinoda kutarisa nzira dzingatevedzwa mukudzinga zvipfukuto izvi mubasa revana.

Unoona vana vachinyora kuti “mandiro” kana kuti “mademo”.

Mazwi anotanga na “g” mazhinji acho anoshanduka achitora “m” asi asingashanduri dzinde reizwi. Dzinde rezwi ndi “gaba” saka kana awanda anenge onzi magaba, gamba rova magamba, gudza ronzi magudza kuchitiwo gidi rinoita magidi.

Asiwo pane dzimwe nguva dzekuti “g” anoshanduka kuita “k”. Ndipo panopinda mazwi ana gavi roita makavi gurwe roita makurwe kuchitiwo gwenzi makwenzi. Ndizvo zvinowanikwa pamazwi ane dzinde rinotanga na “j”, mamwe acho anoshanduka asi mamwe haachinje. Mamwe anoshanduka achitora “ch” sokuti jira rinozoita machira asi mamwe anongonamira “ma” padzinde sekuti joki rinozoita majoki, jeri richiitawo majeri.

Kana tichinyora mazwi anotanga na “h” haawanzoshanduka kana oiswa muuzhinji.  Handa inoramba iri handa, hondohwe dzinongoramba dziri hondohwe chero dzawanda. Hembe muuzhinji ihembe.

“Ch” anoshanduka kuva “zv” nguva zhinji. Choto muuzhinji inoita zvoto, chuma chichiitawo zvuma. Tinoti chingwa chimwe chete tozoti zvingwa zvishanu, chipikiri choita zvipikiri.

Mazwi anotanga na”b” mazhinji acho anoshanduka achitora “p” kusara kwemashoma shoma. Tinoti banga rimwe chete tozoti mapanga matanhatu. Bundu rinoshanduka kuva mapundu, bapu richiitawo mapapu.

Tikatarisawo pamazwi anotanga na”d” kana onyorwa muuzhinji anoshanduka nokutora “t”. Duri rinova maturi, dondo rova matondo, dumbu richiita matumbu. Tinoti demba rimwe chete nendiro izere nematemba.

Mazwi mazhinji anotangana “k” haashanduke sekuti Kamba rinoramba riri kamba, katsi inorambawo iri katsi zvisinei nekuti dzawanda sei.

Mazwiwo anotanga na”r” mazhinji acho haashanduki uye mashoma acho anoshanduka otorawo “m” achinyorwa kwekutanga kwacho. Mazwi akafanana naruzha, rusambo, reza kana rudo haachinji asi kune anoshanduka sokuti rupasa muuzhinji dzinonzi mhasa, rukukwe rwunoita hukwe. Aya anotora “m” ndiwo anozoti ramba rinova maramba. Tikabata mazwi mazhinji anotanga na“t” haashanduke sekuti tsuro, tsamba, tsono, tsombori kana tsunga. Ndizvo zvimwe chete nemazwi anotanga na”u”. Urimbo, uswa, upfu, uta, usavi anoramba akadaro.

Related Posts

Murume (25) aponderwa pabhawa

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 25 okuberekwa wekwaSabhuku Mbombela kwaMambo Malisa kuSilobela, kuKwekwe akapondwa achiita zvekutemwa mumusoro nebhodhoro redoro nemumwe murume pabongozozo remubhawa. Nyaya iyi yakaitika nguva pfupi yadarika panzvimbo…

Mabvazuva Choral Group yazviita zvakare

Abel Ndooka CHIKWATA chenziyo dzechitendero chine mukurumbira cheMabvazuva Choral Group hachisi kudzokera shure murwendo rwekutendeutsa vanhu zvichitevera kubura kwachakaita dambarefu idzva rechipfumbamwe rinonzi ‘Mibvunzo Yenhando’. Dambarefu idzva iri rine nziyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×