Kurera imbwa nemukaka . . .

Courtney Munodawafa

CHIREVO chinoti ukarera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma chava kuzadzikiswa nenyaya yemumwe mudzimai anoti akachengeta mwana wehanzvadzi yake kubvira ari chindumurwa asi nhasi ava kumupandukira achimuti muroyi.

Beauty Samusi akaendesa muzukuru wake Tsitsi Samson kuHarare Civil Court achikumbira gwaro redziviriro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Samusi gwaro rinomudzivirira.

Samusi anoti muzukuru wake amupfidzisa nekugara achimutukirira achibatsirana nemwana wake.

“Mudzimai uyu andionesa nhamo nemwanasikana wake. Anonditukirira achinditi ndiri muroyi ndakakonzeresa njodzi yaakaita nekuroya mwana wake akaitwa oparesheni. Handisisina chimiro pamberi pevamwe nekuda kwemashoko iwayo,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Uyu mwana wehanzvadzi yangu chaiyo, ndakamutora ndikamuchengeta ndokumuendesa kuchikoro. Kana vana vake, kusanganisira waanobatsirana naye kundituka, ndakabatsira pakuvachengeta. Mwana wake anogara pavavakidzani vedu, hameno kamurume kakamuroora, asi anouya kuzondituka.”

Samusi anoti muzukuru wake ave kuroja asi haadi kubhadhara mari yepamba.

“Akauya kwandiri achiti ave kuda kuita muroja wangu asi ava nemwedzi mina asina kubhadhara mari yemagetsi, yemvura neyerendi. Haadi kana kutsvaira chivanze. Dai dare randibatsira abva zvake pamba pangu nekuti ndapfidza,” anodaro.

Samson anoti haana kumboramba kubva pamba patete vake asi kuti anoda kutanga apora zvichitevera njodzi yaakaita.

“Hongu, tete vakanditi ndibve pamba, ndakati ndichabva asi ndichiri kumbotsvaga kwekunogara. Ndakaita njodzi saka ndakavakumbira kuti nditange ndapora kuti ndizokwanisa kutakura zvinhu zvangu,” anodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *