Kuzvibata kwandichengeta: Kireni. . . mwanasikana (7) otevera matsimba

Abel Ndooka

MAMBO wemusambo weMarabhi, Kireni Zulu, anoti kuzvibata muhupenyu hwake ndiko kwamuona achisvika paave zuva ranhasi uye mwanasikana wake ane makore manomwe okuberekwa ari kutevera matsimba ake munyaya dzemimhanzi.

Zulu akatanga zvekuimba makore ekuma1970 apo anoti airidza bhanjo.

Muhurukuro neKwayedza, Zulu – uyo ane vana 10 – anoti haanwe doro kana kuita zvemadzimai.

“Munoona dai ndisina kuzvibata muhupenyu hwangu, ndingadai ndakafa kare uye ndisina kusvika pandave nhasi munyaya dzemhanzi. Asi ini ndakagara ndati izvi bodo handizvide, handinwe doro uye handiite zvemadhirezi,” anodaro Zulu.

Shasha iyi inozivikanwa nenziyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira Kunhonga, Prophet Kitiwell naSamson.

Pavana vake 10, vaviri vanoti Phil naEsin uyo ane makore manonwe ekuberekwa ndivo vari kuita zvemhanzi vachitevera matsimba ake.

Achitaura pamusoro paEsin – uyo ari kuita Giredhi 1, Zulu anoti zvinhu zvinofadza kuona mwanasikana wake anove gotwe achiita zvemhanzi uye ari kumupa rutsigiro rwakazara.

“Ndakakomborerwa nevana 10 uye vaviri ndivo vari kuita zvemhanzi, pana Phil akamboita akazosiya. Asi, aona kuti Esin ari kuuya nemoto iye (Phil) ave kudawo kudzoka mune zvemhanzi.

“Esin ndiye izvezvi ari kufamba nebhora, paatori ane chikwata chake chaanotofamba nacho achiridza. Ini changu kumutsigira nekumurakidza gwara chairo,” anodaro Zulu.

Esin akwanisa kutsikisa dambarefu rimwechete rinonzi Tererai uye Zulu anoti mwanasikana wake ari kumupa mvumo yekuimba nziyo dzaakamboimba kare.

“Iye zvino ndinomupa mvumo yekuti aimbe nziyo dzangu dzandakaimba kare mukukura kwaanenge achiita munyaya dzemhanzi,” anodaro Zulu.

Anoenderera mberi achiti, “Kune vamwe vanotombouya vachiti vanoda kupa mwana shoo ine mazimari panguva iyo anenge ari kuchikoro, asi ini ndinoti kwete hazviite, handidi kukanganisa dzidzo yake. Dzidzo ndiyo inofanirwa kutanga pazvese zvaanoita.”

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×