‘Tinoda makirabhu ekudzidzira nyambo’

Abel Ndooka
SHASHA yekuita nyambo dzinosetsa zvikuru (standup comedy) Alfred Kainga — uyo ange achitenderera kunyika dzakasiyana achiita mashoo — anoti vari muindasitiri iyi vanofanirwa kuvhura makirabhu ekuti nyanzvi dzemutambo uyu dziende dzichinodzidzira.

Kainga — uyo ari kuita shoo yake inonzi Stand Up Comedy One Night Stand Only nemusi weChishanu chino ku7 Arts Theatre muHarare achitsigirwa naDoc Vikela Tinaye uye naComic Pastor — anoti mutambo uyu unofanirwa kutsigirwa kuburikidza nekuvepo kwemakirabhu munzvimbo dzakadai semuHarare, Bulawayo neMutare kuti vane zvipo vawane mukana wekuudzidzira.

“Zvinorwadza kuti vanofarira comedy vakawanda uye vanoita vazhinji asi muno hapana kwekuiitira saka vanhu vanopedzisira vaenda kune dzimwe nyika dzakadai sekuSouth Africa.

‘‘Asi, ikoko hakuna chinonobuda nekuti kunyika idzi vanenge vachitsigira vana vavo.

“Saka muno ngamuite makirabhu (comedy clubs) ayo ndinoona anobatsira zvikuru kuti comedy ikure toendako tichinodzidzira uye vanhu vouya vachititsigira, ndinozviona zvichitisvitsa kure,” anodaro Kainga.

Achitaura pamusoro peshoo yake yeOne Night Stand, Kainga anoti sezvo anga apedza mwedzi yakawanda achitenderera pasi rose izvo zvakamuona achienda kunyika dzakaita seSouth Africa, Uganda, Nigeria neJamaica, afunga kudzoka kuzoita mimwe mitambo muno gore risati rapera.

“Ndanga ndichitenderera kune dzimwe nyika saka zvandadzoka manje ndikati ndopedzisira neZimbabwe yangu, toita One Night Stand iyi.

“Shoo iyi tichange tave kuita gore negore uye tinoda kuti ibatsire kusimudzira tarenda revana vemuZimbabwe vanoita standup comedy,” anodaro.

Muchinda uyu anoti parizvino ari muhurukuro neterevhizheni inonzi Comedy Central yekuAmerica kuti igouya kuzotepfenura mashoo emuno izvo zvichabatsira zvikuru mukusimukira kwemutambo uyu muZimbabwe.

“Munoziva kuti tisimukire hunge tichibuda paterevhizheni saka chishuwo chedu kuti tibude tibatsireiwo.

“Izvezvi tiri kutaura neComedy Central uye kana tikawirirana vachange vachiburitsa mashoo edu, kana zvikaita achete tinenge tapinda,” anodaro.

Kainga anoti anozvinyorera ega nyambo dzake idzo anozopakurira kuvatsigiri vake uye zvizhinji zvacho zvinenge zvakamboitika muhupenyu hwake. Anoti anodzidza zvakasiyana kubva kune dzimwe shasha dzekuita nyambo dzinosangansira Kevin Hart wekuAmerica naTrevor Noah wekuSouth Africa.

Related Posts

ADVERTORIAL: Reply to the Second Reading debate: Constitution of Zimbabwe Amendment Bill No.3, 2026 by Honourable Ziyambi

Introduction Mr. Speaker Sir, I rise to reply to the Second Reading debate on the Constitution of Zimbabwe (Amendment No.3) H.B.1. Bill, 2026. Before doing so, may I thank Honourable…

Makondomu 15 800 agoverwa paForbes Border Post musvondo rimwe

Tendai Gukutikwa MAKONDOMU anosvika 15 800 akagoverwa svondo rapera chete kuvatyairi vemagonyeti, vanoita mabhizimusi ekuenda kunze kwenyika vachinohodha zvinhu zvakasiyana-siyana, vanoita basa rekutengesa muviri nevamwe vafambi paForbes Border Post neveZimbabwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×