Lacazette otengeswa

MUTUNGAMIRI weLyon – Jean-Michel Aulas (25) – anoti chikwata chake hachimborambidze mutambi wacho, Alexandre Lacazette, kuenda asi hunge kana achida kutengwa nezvimwe zvikwata zvikuru muEurope.

Chikwata ichi, icho chinokwikwidza muLigue 1, chinoti chakaramba kutambira mari inosvika £29.4 miriyoni kubva kuArsenal iyo yaida kutenga mutambi uyu mwaka uno asi chave kuratidza kuti chinogona kumutengesa iye zvino.

Lacazette kubva kare aikosheswa zvakanyanya achinzi anodiwa nezvikwata zvakaita seReal Madrid asi svondo rino akataura kuti yasvika nguva yekuti achienda.

Aulas akatarira kumashure ndokuona mari yakapinda muchikwata chake zvichitevera kutengesa kwachakamboita vamwe vatambi kare akagutsikana kuti haambotadze kutengesa mutambi uyu.

“Barcelona kana Manchester United rimwe zuva ikauya ichida kutipa mari iyo tinoona kuti inoenderana naAlex, hapana anombomurambidza kumutengesa,” Aulas akadaro.

“Kubva kare, Alex agara aida kutambira nhabvu yake kuchikwata chihombe uye Lyon inozvibvuma. Tiri mugwara chairo.”

Mutambi weFrance uyu anwisa ka21 mwaka uno uye akati svondo rino pachavhurwa mukana wekutengesa vatambi vemwaka unotevera ndipo pakamunakira kuti achienda.

West Ham yakambobvunza nezvaLacazette mwaka uno nekudaro mukana wekutengeswa kwake wavhurwa uyo uchaona zvikwata zvemuPremier League zvichimhanyidzana kuda kumutenga.

“Ndinofunga kuti nguva chaiyo yekuchibva yasvika,” akadaro Lacazette.

“Ndinofunga kuti mwaka unotevera ndinofanirwa kubva ndoenda kune chimwe chikwata kuti ndigodzidza zvimwewo zvakasiyana zvinosanganisira nhabvu pamwe nezvehupenyu.” – Daily Mail. 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *