Mabikirwo anoitwa bhinzi

ZVIRI MUGAPU naMuchaneta Chimuka
BHINZI kudya kunopa mapuroteni uye dziri nyore kubika.

Svondo rino Norest Chivamba wekuChiredzi anorondedzera mamwe mabikirwo ekudya uku.

Zvinodiwa:

Bhinzi dzakaomeswa, hanyanisi, matomatisi, munyu, mafuta, chikari nemvura.

Mabikiro:

Rara wakanyika bhinzi mumvura kuti dzipfave dzigozokasika kuibva.

Nyurura bhinzi wodziisa muchikari kana poto ine mvura yakawanda.

Dzikwatise kusvika dzaibva, uchiwedzera mvura.

Kana dzaibva, tora pani uise mafuta akaringana.

Chekerera hanyanisi wokanga, wozochekerera matomatisi kuti ugadzire muto.

Kanda munyu wakaringana wozoisa bhinzi imomo.

Pindura zvisangane zvekusara zviine muto wakakora uye wakatsvukirira.

Kana dzaibva, chidya bhinzi nesadza rezviyo, remhunga, remapfunde kana nemupunga.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *