Mahwindi akarwira $10

Tafadzwa Mutsotso—

YAKAVE batai batai pakati peguta reHarare apo mahwindi emushika-shika airwira $10 yakange yasiiwa nemutyairi webhazi ravainge vabatsirana kushevedzera kuti vanhu vakwire.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Tafadzwa Mafuratidze akamhan’arira Petronella Chimbi achimupomera mhosva yekumushungurudza nemashoko uye kumutyisidzira.

“Chikumbiro changu ndechekuti dare rindibatsire nekudzivisa musikana uyu kutaura neni. Handidi zvangu kuti titaudzane nekuti ndipo pari kubva kunetsana kwedu.

‘‘Anogara achindituka nemashoko asina kunaka,” akadaro Mafuratidze.

“Zvinondikanganisa basa rangu nekuti ini ndinoshanda nevanhu, zvino kana togara tichingotukana pamberi pevanhu hazviratidze chimiro chakanaka. Akaba mari yatakapihwa akaramba kuti tigovane mushure mekunge taita basa tose.”

Achipawo divi rake, Chimbi akapokana nemashoko aMafuratidze achiti haana kumbobvira amutuka.

“Manyepo aari kutaura, ini handina kumbomutuka asi kuti ndiye akatondituka nekundirova mushure mekunge ndasiirwa $10 nadhiraivha webhazi randainge ndarodha. Iye akauya achiti tigovane nepakati achiti ainge andibatsira kuti bhazi rizare asi takambenge tatorwira vanhu iye achirodha mota yakewo,” akadaro.

Anoenderera mberi achiti: “Paakaona ndaramba nemari, ndipo akatanga kundityisidzira achiti ndichazviona. Akandiudza kuti achauyisa nyaya kuno kudare ndikaure saka zvekuti ndakamutuka zvaari kutaura izvo manyepo,” akadaro Chimbi.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Mafuratidze gwaro rerunyararo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *