‘Mai mwana muri pfambi henyu asi ndinongokudai’

Trymore Muvhawa —
VAMWE samusha vakashamisa vanhu vaive mudare apo vakati mudzimai wavo akaita chipfambi, izvo zvakakonzera kuti varambane ndokuzoroorwa nemumwe murume asi ivo vachiri kungomuda zvakadaro.

Aluis Manye akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa neaimbove mudzimai wake – Memory Gonyora – achiti ari kumuonesa chakati tende nekumushusha.

“Mambo wangu, ndaoneswa nhamo nemurume uyu.

‘‘Takarambana makore mana adarika asi iye haazvibvume. Anouya kumba kwangu kune murume wangu achindituka nezvinyadzi pamberi pevana. Anoti zvakare anoda kuzviuraira pamba pangu handizive kuti ini ndodii?” akadaro.

Akaenderera mberi achiti: “Kana akauya kumba murume wangu aripo, anotityisidzira achiti anoda kupisa motokari yemurume wangu asi nemurume wangu havana kutadzirana.”

Manye akatsinhira zvose zvaitaurwa naGonyora achiti ichokwadi.

“Zvataurwa naamai ava ichokwadi, ndizvo zvandinoita chaizvo. Chikonzero ndechekuti amai ava vakandirwadzisa zvikuru. Vaiita zvechipfambi panguva iyo ndaigara navo izvo zvakazoita kuti vandichengetese nhumbu isiri yangu kusvika pakubarwa kwayo zvisinei nekuti mwana wacho akazofa zvake.

“Handipikise hangu kana mukamupa chikumbiro ichi asi kunyangwe zvazvo paine zvakaitika, mukadzi uyu ndichiri kumuda ini,” akadaro Ganye.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Gonyora gwaro rerunyararo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *