Mamiriro ebvunzo dzeZIMSEC

Munyori weKwayedza
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinozivisa vabereki nevamwe kuti gadziriro dzebvunzo dzemunaChikumi nedzemunaMbudzi dziri kufambira mberi.

Zvisinei, nekuda kwedanho rakatorwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa rekuti vanhu vagare mudzimba kwemazuva 21, gurukota rebazi iri, Cde Cain Mathema vanoti:

“ZIMSEC yaronga dandemutande (electronic platform) apo pachaiswa mazita evachanyora bvunzo uye neumboo hwekuti vakabhadhara mari dzebvunzo dzaChikumi kana dzemunaMbudzi. Kumuzinda weZIMSEC kwava nenhare dzichabatsira vakuru vezvikoro kana vakaita dambudziko nedandemutande iri.

“Vari kuda kuzonyora bvunzo havafanirwe kuenda kwavanoda kuzonyorera (examination centres) kuti vanoona kana vakanyoreswa nekuti vachazozviona pagwaro rinovatendera kupinda mubvunzo (statement of entry). Vakuru vezvikoro vane dambudziko nehurongwa uhu vanokurudzirwa kuridza nhare dzinoti 08080147, 0242304552/4, 0242302622/4 kana dzeWhatsApp dzinoti 0772148786.”

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *