Mamwe mabikirwo emachipisi

MACHIPISI kudya kunofarirwa neveruzhinji, zvikuru apo vanenge vari parwendo kana kuti vachitandara mudzimba nekumabasa. Kana akabikwa zvine hunyanzvi, unogona kudya machipisi zvekutozvimbirwa apo wakarivara.

Svondo rino Colleta Munatsi wekuChivhu anotsanangura mabikirwo emachipisi.

Zvinodiwa:

Mbatatisi, banga, munyu, mafuta, tomato sauce nemasipaisi.

Mabikiro:

Geza mbatatisi wodzifeta rukanda rwekunze.

Cheka-cheka uchiita zvidimbu zvaunoda.

Geza mbatatisi dzawacheka nemvura yakachena.

Chiisa musefa yakachena, woisa muhovhoni inopisa ine mafuta akati wandei.

Siya zvirimo kwemaminitsi makumi matatu.

Kana machipisi aibva, anoonekwa nekutsvukira kana kuita ruvara serwegoridhe.

Pakubura, ita kuti mafuta ose asare mupoto kana hovhoni yawabikira. Usaregedze machipisi achiibvisisa kuita bota kana kusvika pakuzotsva.

Chibura uise munyu, vhiniga, tomato sauce kana masipaisi.

Machipisi anodyiwa nenyama seyemombe, yehuku kana hove. Unogona kuadya uchidzikisira nezvinwiwa zvaunoda.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti 0713 411 281

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *