Mapfupa emunhu: Ongororo

MARANGWANDA aye ekuwanikwa mune rimwe dhamu kuMt Hampden, pedyo neHarare, mushure mekunge kamwana kane makore matatu okuberekwa katungamirira vemhuri kuti vasvike paaive apo kaive kakasvikirwa, ndeemunhu wemhuri iyi sezvaitaurwa nemwana uyu.

Izvi zvinotevera ongororo yakaitwa nanachiremba iyo yakatsigira kuti ichokwadi, sekuonekwa kwazvainge zvaitwa nekamwana aka, aya marangwana aiva emukoma wemwana uyu.

Ongororo iyi yakaitwa kuchipatara cheParirenyatwa Groups Of Hospitals.

Mapfupa aya akatopihwa kumhuri iyi vakanoaviga mushure mekupedza masvondo matatu vanhu vari panhamo vachimirira ongororo.

VaMisheck Ndala (53), vanove baba vemushakabvu Yusuf Ndala (21), uyo akange ave negore nemwedzi mitatu atsakatika, vanotsinhira nezvenyaya iyi.

“Takanoviga mapfupa emwana wedu kumusha kuMadziva svondo rapera. Ongororo yakaratidza kuti mapfupa emwana wedu,” vanodaro.

Yusuf ange ave negore nemwedzi mitatu atsakatika uye mapfupa ake akazowanikwa zvichitevera kusvikirwa kwakaitwa kamunin’ina kake, Junior Ndala (3), ako kakatungamirira vanhu kudhamu rePutengoubodzi Dam kunova kwakawanikwa mapfupa ari mudziva. Junior anonzi akasvikokanda kadombo panzvimbo yaive nemarangwanda aya izvo zvakaita kuti vanhu vazotaurira mapurisa marangwanda aya ndokuendeswa kuchipatara.

VaNdala vanoti mapurisa achiri kuferefeta nyaya yekufa kwemwana wavo.

Amai vaJunior, Mai Naume Kwenda (34), vanotsanangura nezvekubatwa kwemwana wavo nemweya kusvika pakuwanikwa kwemapfupa mudhamu.

“Mwana wangu akange atove nemwedzi achitaura kuti anoda kuenda kuna mukoma wake Yusuf asi isu taizvitora sedambe. Asi nekuramba achitaura kudaro, takazoona kuti regai titevedze zvaaireva.

“Pamwe pacho aitochera kagomba nekamuti achiti iguva remukoma wake Yusuf. Akazotitungamirira kuenda pamba paaiti ndipo pakafira Yusuf asi vanhu vacho havana chavakataura, vakangotarisa pasi achibva azoenda nesu kudhamu uko akasvikokanda kadombo vanhu vakaona mapfupa aivepo,” vanodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *