Masangano obatsira

Munyori weKwayedza

MASANGANO nemakambani ari kubatsira Zimbabwe mukurwisa denda ranetsa pasi rose reCOVID-19 ari kuramba achiwanda zvichitevera kugashidzwa kumutungamiri wenyika President Mnangagwa zvimwe zvezvichasevenzeswa kumisa kunyuka nekupararira kwedenda iri muno.

Nezuro President Mnangagwa vakagashira rubatsiro rwezvimwe zvichashandiswa mukurwisa COVID-19 kubva kumasangano matatu ayo apindira mukuedza kumisa chirwere chabata vanhu vanodarika miriyoni nekuuraya vamwe vanopfuura 60 000 pasi rose ichi.

Kusvika nezuro, vanhu vapfumbamwe ndivo vange vawanikwa vaine COVID-19 muZimbabwe uye mumwe chete wavo akatoshaika.

President Mnangagwa vakagashidzwa rubatsiro urwu kumuzinda wavo weState House, muHarare, paine vatevedzeri vavo Vice Presidents Constantino Chiwenga naKembo Mohadi.

Timber Care, iyo inoshandira iri kudunhu reManicaland, imwe yevakabatsira apo yakapa ma”face mask” 10 000, ndokuvimbisa kubatsirazve nema”ventilator”.

Latter Day  Saints yakapawo ma”sanitiser”, ma”face mask” nema”medical gowns” kuchiti Skylake Borehole Drilling vachachera zvibhorani zviviri muzvipatara zvichasarudzwa.

Rubatsiro urwu rwauya apo Zimbabwe yapinda musvondo rechipiri vanhu vose – kusiya kwevanoita mabasa akakoshesesa — vatanga kugara kudzimba pasi pechirongwa cheHurumende chekuti vanhu vose vambomira kufamba-famba kana kuenda kumabasa kwemazuva 21 kutanga nemusi wa30 Kurume.

Zvichakadai, President Mnangagwa nemusi weSvondo vakatenderera mumisha yeHarare neChitungwiza vachiona matevedzererwo ari kuitwa neveruzhinji chirongwa chekugara mudzimba ichi.

President vakashanyira misha inosanganisira Mabvuku, Tafara, Kuwadzana, New Marimba, Mufakose, Glen View, Budiriro, Highfield neGlen Norah iyo yose iri muHarare.

Vakazosimudzira rwendo urwu nekushanyira misha iri kuChitungwiza inosanganisira St Mary’s, Zengeza nekwaMakoni pakati pemimwe.

Mushure, President Mnangagwa vakazoudza vatori venhau kuti vari kufadzwa nekuzvibata kwezvizvarwa zvenyika ino padanho rakananga kurwisa COVID-19 rakatorwa neHurumende iri.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *