‘Masimba eupfumi kumatunhu’

Daphne Machiri
NHENGO yeZanu-PF Politburo, Cde Munyaradzi Machacha, avo vanovazve mutungamiri weHerbert Chitepo School of Ideology, vanoti chirongwa chekupa masimba eupfumi kumatunhu akasiyana enyika (devolution) chakakosha zvikuru munyaya dzekusimudzira upfumi hweZimbabwe.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika vari kuMwenezi West, kuMasvingo, pagungano rekutenda vanhu vekudunhu iri nekuvhotera kwavakaita Cde Priscilla Moyo-Zindari musarudzo dzekutsvaga vamiriri vedare reNational Assembly.

“Ino yave nguva yekuvandudza nyika pamwe nemagariro everuzhinji kubudikidza nekushandiswa kwezviwanikwa mumatunhu azviri. Mwenezi West inotikoshera seZanu-PF nekuda kwekuti ine runyararo nechido uye inotsigira musangano. Tinoti MP wekuno, Honourable Moyo-Zindari rambai muchifudza hwai dzenyu zvakanaka.

“Tinotenda nekupinda musarudzo zvakanaka nekusarudza mutungamiri wenyika President Mnangagwa pamwe naMP wedu nemaknzura zvakare,” vanodaro.

Cde Machacha

Vanoti chirongwa chekupa masimba ezvehupfumi kumatunhu chinofanirwa kutsigirwa zvizere.

“Naizvozvo ngatisagarira maoko, ngatishandei tisimudzire upfumi hwenyika. Kuno kune madhamu akawanda, ngatiashandisei mukurima, tisumidzire nyika yedu. Tinoda kuve nemaindasitiri anogadzira zvinhu muno, hatichadi kuti vana vedu vabude kunze kunotsvaga mabasa asi kuti vashande muno,” vanodaro.

Vachitaurawo pagungano iri, Cde Moyo-Zindari vanoti vakazvipira kushanda mabasa anosimudzira raramo yevanhu vemudunhu ravo.

Vanoti vari mushishi yekushanda kuti mudunhu ravo muve nechikoro chebhodhingi chekutanga nechinangwa chekurerutsira vadzidzi avo vari kufamba nzendo refu kuenda nekudzoka kuzvikoro zvesekondari.

“Vana vechikoro vari kufamba nzenzo refu zvinova zvave kuita kuti vamwe vagare mudhuze mudzimba dzavanenge vachiroja vachienda kuchikoro izvo zviri kuita kuti vasangane nematambudziko akasiyana.

“Iye zvino tiri kutsvaga vachabatsirawo nemari kuti tive nechikoro chebhodhingi mudunhu rino,” vanodaro Cde Moyo-Zindari.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ini saamai vemusha ndakaona zvakakodzera kuti titangewo mabhindauko anosanganisira zvekurima pamwe nekupfuya mbudzi. Zvakare, tiri kuita zvirongwa zviri kubatsira mazera ose sekuvandudzwa kwezvinhu zvinenge zvashandiswa (re-cycling) nedonzvo rekuchengetedza nharaunda yedu kuti igare yakachena.”

Vanoti vanotsigira zvizere chirongwa chekupa masimba eupfumi kumatunhu akasiyana enyika.

“Kubudikidza neDevolution, tinoda kuti mari iende padhamu rakaita seManyuchi Dam tikwanise kuita zvakadai sekusimudzira kushanyirwa kwenyika (domestic tourism) uyewo vanhu vanokwanisawo kupfuya hove zvinova zvinovandudza dunhu redu,” vanodaro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×