Maumbirwo engano

Munyaradzi Gunduza

Mavambo:

NGANO dziri muboka reuvaranomwe hwemutaurwa, uye dzakaumbwa nezvikamu zvitatu zvinoti mavambo, pakati uye magumo. Ngano zhinji dzinotanga zvakada kufanana sekuti, Kwaivepo . . ., Kune imwe nyika iri kure kwazvo . . ., Ndokunge ari mumwe murume nomukadzi wake . . ., Kare kare kwazvo . . ., Naiwayo mazuva kwaive . . ., Kareko zvako . . .

Aya haasiwo oga matangiro anogona kuita ngano. Kazhinji matangiro engano anoenderana nenzvimbo inogara sarungano wacho uye ruzivo rwake rwemutauro. Zvakakosha kuongorora kuti ngano dzinotanga sei mubhuku raunenge uchidzidza.

Matangiro mazhinji engano ndeekuti sarungano aiedza napose paaigona kukwezva vateereri vake kuti avatore kuvaisa munyika yekare kare kana iri kure kwazvo uko zvinhu zvose zvaigona kuitika. Izvi zvaibatsira kuti kana vana vaudzwa nasarungano kuti Kare kare kwazvo munyika iri . . ., vana havaizoita simba rekubvunza mibvunzo kuna sarungano maringe nezvavaitaurirwa izvo zvaigona kuzopesana nezvainge zvichionekwa navana muupenyu hwavairarama mazuva ose.

Nokudaro, kudhonzera vana kunyika iri kure, uye yakare kwainge kwakakosha chose pakupa dzidziso inovaka upenyu hwavana pasina kukakavadzana pakati pasarungano navateereri vake.

Pamavambo engano ndipo zvakare panoburitswa mamiriro anenge akaita zvinhu mungano sokuti dambudziko richasanganikwa naro murungano rakafanana nenzara kana kushaikwa kwembereko nemhuri.

Kumavambo engano ndiko zvakare kwatinoona nzvimbo inenge ichiitikira ngano yacho. Sarungano anoedza chose kuti ajekese kuti nzvimbo iyi hakuna muteereri anonyatsoiziva takanangana nezvinoitika mairi. Zvakare kumavambo kwengano tinowanzosangana nemazita evatambi vemungano sekuti paivapo Tsuro naGudo . . . Izvi zvinongojekesa kuti Tsuro naGudo ndivo vamwe vevatambi vachaonekwa mungano iyi.

Svondo rinouya tinopedzisa mamiriro engano tichitarisa pakati nekumagumo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *