Mayunivhesiti burai nyanzvi – Murwira

Michael Magoronga
ZVIKORO zvemapolytechnics nemayunivhesiti muZimbabwe zviri kuita basa guru rekusimudzira makambani asiri kunyatsofamba zvakanaka seZiscosteel kuburikidza nekusimudzira ruzivo rwechizvino-zvino.

Mashoko aya akataurwa negurukota rezvedzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kweruzivo rwemuchina, Professor Amon Murwira.

Mumashoko avo akaverengwa naPrincipal Director mubazi iri, Mai Martha Muguti, pachirongwa chekugashidzwa zvitupa kuvadzidzi vakapedza zvidzidzo paKwekwe Polytechnic, nguva pfupi yadarika, Prof Murwira vanoti zvinangwa zvekuva nemayunivhesiti nemakoreji ndezvekusimudzira ruzivo kuburikidza nekuita ongororo uye kuumbiridza unyanzvi.

“Kuburikidza nechirongwa chitsva che5,0 Design, vadzidzi vanowaniswa zvitupa vanotarisirwa kuti vange vachikwanisa kugadzirisa matambudziko anobata vanhu zuva nezuva, zvikuru ayo anobata vanhu munharaunda. Kana zvikadaro, tinotarisira kuti Kwekwe Poly inge ichitiburira vadzidzi vane hunyanzvi mune zvemaindasitiri pane vashandi, vagadziri vezvinhu kwete vatengesi, mainjiniya kwete vabatsirwi.

“Munotarisirwa kuenda kunotsigira maindasitiri aripo nekubura mamwe matsva,” vanodaro.

Pro Murwira vanoti makambani akadai seZiscosteel anofanira kusimudzirwa kuburikidza nekushandiswa kweruzivo rwemuno pamwe nezviwanikwa.

“Ndiri kuona kuti zvinhu zvangova pachena kuti maindasitiri anofanira kusimudzirwa asi pfungwa dzangu dzinofambirana nezvatiri kuona kuti tinofanira kutogadzirisa Ziscosteel nekuti tinozoda kutenga zvekushandisa kune dzimwe nyika pamwe neruzivo rwekufambisa indasitiri yacho,” vanodaro.

Vanoti nyika ino inofanira kubvisa kapfungwa kaye kekuti zvinhu zvose zvinotengwa kune dzimwe nyika.

“Kana tikatanga kutsigira ruzivo munyika muno, tichishandisa zviwanikwa zvedu, zvinobatsira mukuderedza huwandu hwemari yatinoshandisa mukutenga zvinhu kunze,” vanodaro

Bazi ravo, vanodaro Prof Murwira, riri munzira kuita zvirongwa zvekuona kuti makoreji nemayunivhesiti zvose zvabura hurongwa hune chekuita nekusimudzirwa kwemaindasitiri.

“Tinoda kuona kuti zvikoro zvose zvepamusoro zviri kuitei uye bazi rangu riri pamberi mukusimudzira zvirongwa izvi. Tinofanira kugadzira remangwana rakajeka.

“Tinoda kuti vashandi vedu vange vachifambirana neruzivo rwechizvino-zvino vachishandisa dandemutande reindaneti,” vanodaro Prof Murwira.

Vadzidzi 1 208 vakawaniswa zvitupa zvavo kubva muzvidzidzo zvinosanganisira Engineering, Applied Sciences neCommerce.

Vachitaura pachiitiko chimwechete ichi, VaEvans Musara – avo vanova principal weKwekwe Polytechnic – vanoti koreji yavo yakavambwa nemushandirapamwe weveruzhinji nechinangwa chekubura vadzidzi vane unyanzvi.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *