Mubairo hutu neZimpapers

Rudo Muchedzi
KAMBANI huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpapers, yakawana mubairo weSustainable Development Goals (SDG) and Community Impact Award kuchirongwa cheNational Responsible Business and Corporate Social Responsibility Awards icho chichangobva kuitwa. Panguva imwecheteyo, mukushi wemashoko mukambani iyi, Muzvare Beatrice Tonhodzayi, vakapihwa mubairo muchikamu cheTop 10 Corporate Social Responsibility (CSR) Managers of the Year panyaya dzekugona kuita mabasa etsitsi.

Mibairo iyi yauya apo Zimpapers iri kubudiririra muzvirongwa zvayo zvekubatsira mazana nemazana evanhu mukurwisa zvirwere zvegomarara kuburikidza nemapazi ayo ari muHarare, Bulawayo, Mutare neKariba.

Zimpapers yakakwanisa kuunganidza mari nezvirongwa zvayo zvinosanganisira Annual Cancer Power Walk inova ichaendeswa kusangano reIsland Hospice nechinangwa chekurwisa gomarara.

“Ndinotenda veruzhinji muZimbabwe nekutsigira mabasa etsitsi atinoita sekambani tichibatsira vanhu. Zvakakosha kuti vanhu vazive nezvezvirwere zvinovatambudza kuti vagotore matanho ekuzvidzivirira nenguva,” vanodaro Muzvare Tonhodzayi.

Vanoti kuburikidza nemabasa etsitsi, Zimpapers yakakwanisa zvakare kubatsira vanhu vakawirwa netsaona yemafashamu eCyclone Idai kuChimanimani nechikafu nembatya.

“Zvakare, tiri kuvakurudza Chikukwa Primary School kuChimanimani ikoko mushure mekuparadzwa kwakaita chikoro ichi nemafashamu,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×