Mubairo weku‘kecha’ mukadzi wemuridzi

Tafadzwa Mutsotso

MUKOMANA wekunzi akahwapurira mumwe murume musikana waakange aroora amirira kuchata naye akazopotera kudare achiti ashaiswa rugare nemurume uyu. Blessing Mhungure akamhan’arira Licken Mlambo kuHarare Civil Court achiti ari kugara achimutukirira nekuvimbiswa rufu.“Murume anonzi Licken ndakanga ndisingamuzive upenyu hwangu hwose. Ndakazoshamisika ava kundibata pafoni achiti ndisiyane naMutsa, anova musikana wandanga ndichidanana naye.

“Pafoni apa ndipo paakatanga kundituka nekundivimbisa kundipfuudza kana ndikaramba ndichitaura nemukadzi wake,” akadaro Mhungure.

“Mutsa ndakange ndasangana naye akandiudza kuti ainge akabvisirwa mari yeroora achifanira kuzochata muna Nyamavhuvhu asi painge pasina kunzwisisana pakati pake nemurume waaida kuzochata naye, anova Mlambo. Mutsa akazonditumira meseji achiti vainge vagadzirisana naLicken uye zvakanga zvava pachena kuti vaviri ava havachazopinda musvitsa tsvene vose.

“Akandiudza kuti Licken ainge audza mhuri yekumba kwavo kuti imudzorere mari yose yaainge abvisa seroora. Izvi zvakandipa manyuku-nyuku ekuti ndirambe ndichidanana naye. Ndava kutoshamisika kuti ava kundishushira mukadzi waakati haachadi.”

Mlambo haana kuuya kudare kuti apewo divi rake panyaya iyi.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Mhungure gwaro redziviriro.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *