Mudzimai wangu haachada

Bvunza Kwayedza naSekuru Mutanga

DAMBUDZIKO:

Dambudziko rangu nderekuti mudzimai wangu ave nemakore maviri asingandide muimba yekurara. Patakatanga kunetsana, mudzimai wangu akabva ati ava kuenda kumusha kwangu ini ndichisara. Mwana wangu mukomana akabva apindira munyaya yacho ndokubva ndamushevedza iye naamai wake ndikamubvunza kuti ivo sevana vapindira nyaya yangu naamai vavo pakudii?  Vese havana kupindura. Ini ndoitawo sei?Ndiri saimba ane makore 60 okuzvarwa. Ndine mudzimai nevana vatanhatu – vakomana vatatu nevasikana vatatu uye vose vane misha yavo. Vazukuru vangu vanosvika gumi.

 

MHINDURO:

Vazukuru, kakawanda kacho mweya wakaipa unokonzerese kudaro.

Tarisai, mweya wasatani wave kude kuparadza musha machembedzana.

Mweya uyu haugumiri pavabereki ava chete asi kuti unoenda nekuvana.

Nezera rako muzukuru, imwe pfungwa inoti ku wadii kungogara zvako nekuti handingati uchiri kutemwa dzinobva ropa. Asi zvinoenda nezvida munhu.

Asi manga mavaka musha nemhuri yenyu zvakanaka.

Zvisinei, kana zvaramba ona madzitete ekumudzimai wako kana vana mbuya vakugadzirisei nekuti iyo imba huru ndiyo inosimbisa wanano.

Kana zvaramba zvakadaro, famba nemadzitezvara ako zvichida pane mweya inoitisa kuti mudzimai wako adaro.

Asiwoka, ziva kuti pane zera rekuti munhukadzi anenge asisade zvemuimba yekurara, kwete nekuda kwake asi kuti zvakasikwa zvakadaro.

Saka iwe usangoshora mudzimai wako nekuti izvi zvinogona kunge zviri izvo zviri kuitika paari.

Iwewe muzukuru hauna kunyatsojekesa kuti sei mukadzi wako akatora danho iri, zvichida ukagara naye pasi muri vaviri, kwete paine vana, anokuudza chikonzero chacho.

Kana vari vana, havafanirwe kupindira munyaya dzemuimba huru pakati pevabereki. Ko vakaudzwa mashoko akadzamisisa vachati kudii?

 

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *