Mukadzi akafira sekuru

Kingstone Mapupu
MURUME wekumindamirefu yeHoyuyu, kwaMutoko, akasungwa nemapurisa eko nemhosva yekuponda mudzimai wake achimutema tema nebadza mumusoro apo aimupomera kuita chipfambi.

Kennedy Kayani (43) wekuVillage 44 kuHoyuyu anonzi akaponda Anascario Kagoro (35) achimuti ari kudanana nasekuru vake.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza vanotsinhira nyaya iyi vachiti: “Tine murume anonzi Kennedy Kayani uyo ari mumaoko memapurisa ekwaMutoko nekuda kwenyaya yaari kupomerwa yekuponda mudzimai wake achishandisa badza.

“Murume uyu anonzi akatema mudzimai wake katatu mumusoro nebadza achibva angofira panzvimbo.”

Nyaya iyi inonzi yakaitika nenguva dza7 mangwanani nemusi wa27 Kubvumbi apo vaviri ava vakakavadzana vari pamba pavo Kayani achipomera mudzimai wake kuita chipfambi.

“Murume uyu nemudzimai wake vaiva pamba pavo mangwanani apo Kennedy anonzi akatanga kubvunza mudzimai wake nyaya yekuti aidanana nasekuru vemurume uyu avo tisina kupihwa zita ravo.

“Murume uyu anonzi mukubvunzana uku, akazotora badza ndokutema mudzimai wake mumusoro kanokwana katatu ndokubva angopunzika achibva afa,” vanodaro Insp Mwanza.

Kayani anonzi aona kuti akanga auraya mudzimai wake uye nekutya mhosva, akatora badza iri ndokunanga kumapurisa epakamba yeJani ZRP Base uko akanozvipira achibva asungwa.

Kayani anotarisirwa kupinda mudare redzimhosva munguva pfupi iri kutevera.

Mutumbi wemudzimai uyu wakazoendeswa kumochari yechipatara cheMurehwa kunoongororwa.

Insp Mwanza vanoyambira veruzhinji kuti vasatore mutemo vachiuisa muhomwe dzavo uyewo ndokukurudzira kuti vatsvage vayananisi kana vatadza kunzwanana.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *