Tendai Gukutikwa
MUMWE muporofita pamwechete nevamwe vaanoshanda navo vakaripiswa mombe naMambo Mutasa nekuda kwemhosva yekushereketa paguva remumwe murume apo vakatora ivhu repo ndokuita mhiko senzira yekupedza dambudziko raive nemunin’ina wemushakabvu uyo anonzi airwadziwa nemakumbo.
Nyaya iyi yakapinda mudare iri nomusi weMugovera wadarika apo muporofita uyu anonzi Gurure akanzi apupure chikonzero neyi akasvika pachidanho chekunonokora ivhu repaguva remurume anove wemhuri yekwaGatakata kwaMutasa, kudunhu reManicaland.
Gurure akapupura maringe nehushereketwa hwaakaita izvo zvakasiya vemhuri yemushakabvu uyu vaine kukahadzika kwakanyanya.
Mhuri yekwaGatakata yakapotera kudare raMambo Mutasa vachiti guva rababa vavo range rakasangana nehushereketwa.
Izvi zvinotevera kutorwa kwakaitwa ivhu repaguva iri rikasanganiswa nemunyu uye ndokukangwa pamoto senzira yekuti ringe richishandiswa mukurapa Musaita Gatakata anove munin’ina wemushakabvu uyo anonzi aive nedambudziko rekurwidziwa nemakumbo.
Chiitiko chinokatyamadza ichi chakatsamwisa vana vemushakabvu, avo vakazokwidza nyaya iyi kudare raMambo Mutasa, vachida kuziva kuti izvi zvakaitirwei.
Mumwe wevanasikana vemushakabvu, Naume Gatakata, akaudza dare ramambo iri kuti kufa kwababa vake muna2021 kunoramba kuchivarwadza semhuri nekuda kwekufungirana nyaya dzine chekuita nehushereketwa.
“Baba vakarwara mushure mekunwa mahewu kubasa kwavo, vakachema-chema nemarwadzo emudumbu zvakanyanya. Vakaendeswa kuchipatara, ndokuzofa uye ongororo yakaitwa yairatidza kuti vainge vaisirwa muchetura muchikafu.”
Naume anoti mushure mekuvigwa kwababa vake, vemhuri vakatanga kuona zvinhu zvinoshamisa paguva zvinosanganisira tsono, mabhodhoro uye hari dzevhu asi pasina chimwe chazvo chakanga chaiswa ipapo nehama dzemushakabvu.
“Takatanga kuona zvinhu zvisinganzwisisike paguva rababa vangu. Mushure mezuva tavaviga, takaona tsono yaive yakaiswa paguva uye takazoona mabhodhoro akaiswa pedyo neguva. Takaona zvakare hari dzevhu dzakaiswa paguva,” anodaro.
Anoti babamudiki vake, Musaita Gatakata, vanonzi vakazotanga kunzwa marwadzo emakumbo apo vakaenda kumuporofita uyu.
“Muporofita uyu akabva audza mumwe wemumhuri kuti anonokora ivhu repaguva rababa vangu zvinova zvaakaita achifunga kuti ari kuda kubatsira babamudiki ava.
“Ivhu iri rakakangwa pamoto rakasangana nemunyu,” anodaro Naume.
Zvisinei, Gurure akarambisisa mhosva yaaipomerwa iyi.
Akaudza dare kuti Musaita Gatakata akanga auya kwaari achida kubatsirwa pazvinhu zvemweya.
“Akauya kwandiri achiti ari kuda kubatsirwa padambudziko rake remakumbo asi ndakamuudza kuti haasi makumbo ari kumutambudza. Ndakamuudza kuti auye nemumwe wemumhuri titaure chikonzero neyi mumhuri iyi muine gakava. Wandakatuma kuti anotora ivhu ndakamuti anotora repamba paigara mufi. Ivhu iri raifanira kutorwa pamba kuitira kuti tione chokwadi chekuti ndiyani ainge akauraya mufi uyu kwete kuti ndaida kurapa gumbo raMusaita, anofanira kutaura chokwadi,” anodaro Gurure.
Anoenderera mberi achiti akaudza vamwe vemhuri yekwaGatakata kuti vakange ivhu racho pamoto uye harina kukangirwa kumba kwake.
Zvisinei nekurambisisa kwaGurure, vemhuri yekwaGatakata vakaramba vakamira neshoko ravo rekuti ndiye akanokora ivhu repaguva akazovapa kuti vaite mhiko dzaidiwa.
Musaita Gatakata akazobvuma kuti akanyepera dare kuti aida kurapwa makumbo ake neivhu iri.
Anoti chinangwa chake chaiva chekuti vemhuri vabvume kubatsirwa nemuporofita uyu sezvo ainge ari kupomerwa mhosva yekuuraya mukoma wake.
“Vemhuri vese vakanga vari kundipomera mhosva yekuuraya mukoma wangu nekuda kwekuti ini ndaiwirirana naMacheka anova murume ari kunzi ndiye akaisira mukoma wangu muchetura akafa. Ndicho chikonzero neyi ndakanyepa kuti ndainge ndiri kutambudzwa negumbo kuitira kuti vemhuri vabvume kuti tichenurwe nemuporofita uyu. Nyaya huru ndaida kuti chokwadi ichocho chibude pachena,” anodaro.
Mambo Mutasa vakabvunzurudza Gurure maringe nemhiko dzaakange audza vemhuri yekwaGatakata kuti vaite neivhu rekumakuva inova nzvimbo isingafaniri kutambwa nayo uye inochengetedzwa nekuremekedzwa zvakanyanya maringe netsika dzechivanhu.
“Pachivanhu chedu munhu anotora ivhu repamakuva anenge achida kutsipika mweya wemufi kuti asapfuka,’ vanodaro Mambo Mutasa.
Mambo Mutasa vakati Gurure anofanirwa kuripa nemombe nekuda kwemhosva yaakapara iyi uye mombe iyi inofanirwa kubviswa mwedzi waKurume usati usati wapera.



