Musagare nemari mudzimba: ZRP

Kingstone Mapupu
VERUZHINJI vari kukurudzirwa kuti vasagare nemari yakawanda mudzimba asi kuti vaichengetere kumabhanga sezvo zviine njodzi yekuzopindirwa nemakororo vachitorerwa mari iyi kana kugumisira vapondwa kana kukuvadzwa.

Kurudziro iyi iri kupihwa nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) zvichitevera kupindirwa kwakaitirwa dzimwe mhuri nemakororo vakatorerwa mari ine chitsama nemimwewo midziyo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti zvine njodzi huru kugara nemari yakawanda mudzimba.

“Tine nyaya dziri kunetsa dzemakororo munyika muno, zvikuru muguta reHarare kumisha inogara shoroma, uko vanhu vari kupindirwa mudzimba vachitorerwa mari dzavo. Kune nyaya mbiri, imwe yacho yakaitika kuHighlands uko kune mhuri yakapindirwa mumba svondo rakapera husiku ndokutorerwa mari inoita US$47 600 uyewo nenharembozha ina, 4 maiPads, ne4 malaptops, uyewo imwe mhuri yekuNewlands iyo yakapindirwawo ndokutorerwa US$59 000.

“Kureva kuti makororo aya akaba mari inoita US$90 600 izvo zvakaitika husiku humwe chete munguva dzakasiyana,” vanodaro Asst Comm  Nyathi.

Asst Comm Nyathi vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekuchengeta mari mudzimba izvo vanoti zvinokoka mbavha.

“Mukaona nyaya mbiri idzi, dzinoratidza kuti makororo aya anenge aine mashoko ose emachengeterwo emari mudzimba idzi kureva kuti pane vanhu vanovanyevera kuti pamba yakati panochengetwa mari.

“Munoona kuti nguva zhinji matsotsi aya anenge akapakata zvombo zvinokuvadza sepfuti, mapanga, matemo, nesimbi apo vanogumawo vatora motokari padzimba dzavanoba idzo dzavanozotiza nadzo,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanoenderera mberi: “Vanhu vanoita tsika yekuchengeta mari mudzimba varipo zvakare kuisa upenyu hwemhuri dzavo parumananzombe sezvo vachiguma vapondwa kana kukuvadzwa.”

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×