‘Musanyanye kufamba manheru panguva yezororo’

Bongani Ndlovu

MUKURU-MUKURU wemapurisa, Commissioner-General Stephen Mutamba, vanokurudzira vatyairi vedzimotokari kuti vasanyanye kufamba manheru panguva yezororo, vachiyambira kuti zvinoshungurudza kuti tsaona dzine chitsama dzinoitika munguva dzeusiku nekuda kwekuti vamwe vatyairi vanenge vasingaone zvakanaka mumigwagwa.

Mugwaro ravakaburitsa vachiparura hurongwa hwemafambisirwo ebasa nemapurisa panguva yezororo, Comm-Gen Mutamba vanoti panguva iyi kazhinji vanhu vakawanda vanofamba nzendo dzakasiyana-siyana, izvowo zvinoita kuti tsaona dzemumigwagwa dziwande.

  Vanoti mapurisa ari kuona kuti tsaona dzakaipisisa dzinoitika munguva dzemanheru apo vatyairi vanonetseka nekuona zvakanaka mumigwagwa uye ndokukurudzira veruzhinji kuti varonge nzendo dzavo vachikoshesa izvi.

“Tiri kukurudzira vatyairi vedzimotokari kuti vasanyanye kufamba manheru nekuti dzimwe tsaona dzinokonzera kufa kwevanhu dzinoitika panguva iyi,” vanodaro.

Comm-Gen Mutamba vanoti mapurisa akatanga chirongwa chekuona kuti vatyairi vari kutevedza mitemo mumigwagwa uye izvi zvinosanganisira ma‘roadblocks’ nekumiswa kwemotokari dzichisechwa kuitira kuchengetedzeka mumigwagwa.

Vanoti mapurisa achange achionekwa pakati pakati pemaguta nemadhorobha, mumisha inogara veruzhinji yakadai sekumarukisheni, kumaindasitiri nenzvimbo dzinotandarira vanhu panguva yose yezororo iri.

   Comm-Gen Mutamba vanoti zvakakosha kuti vatyairi vatevedzere mitemo nekusamhanyisa motokari, vasatakure vanhu vakawandisa uye voronga nzendo dzavo zvakanaka.

Vanoyambira zvakare kuti mwaka wekunaya kwemvura njodzi dzemumigwagwa dzinowanda, nekuda kwekuti migwagwa inenge ichitsvedza.

  Pamusoro pezvo, vatyairi vari kukurudzirwa kuti vasazame kuyambuka nzizi kana mabhiriji anenge akazara nemvura.

Vanokurudzirawo veruzhinji kuti vasakwire motokari dzemushika-shika kana dzimwe dzisingatenderwe kutakura vanhu, apowo vatyairi vedzimotokari vanoyambirwa kuti vasiyane nekatsika kekutakura vanhu kuitira kudzivirira kubirwa.

Comm-Gen Mutamba vanoti mapurisa akazvipira kuona kuti hapana njodzi dzinoitika panguva yezororo asi ndokusimbisisa kuti vatyairi vedzimotokari vanofanirwa kuronga nzendo dzavo zvine hungwaru.

  Vanoti kusafamba manheru kunoramba kuri kumwe kwezvakanyanya kukosha pakati pematanho ekudzivirira tsaona dzinokonzera kufa kwevanhu panguva yezororo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *