Musarove vana vechikoro: Mathema

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Ambassador Cain Mathema, vanoti muzvikoro hamudiwe nyaya dzemhirizhonga uye kurova mwana imhosva huru.

“Nyaya dzekurohwa kwevana muzvikoro dzakarambidzwa nemutemo zvikatopasiswa, saka hationi chikonzero chekuti tinge tichiwana nyaya dzakadai sekuti vana vanosveeredzana, maticha achikandana zvibhakera nevana vechikoro, hatizvidi izvozvo.

“Varairidzi vanofanira kudzidzisa vana nenzira inovaka upenyu hwavo hwemagwana nekuti ndizvo zvinozosimudzira upfumi hwenyika. Kana pachinge paita dambudziko pakati pemurairidzi nemwana wechikoro, mukuru wechikoro anofanira kugara pasi nenhengo dzeSchool Development Commitee (SDC), voona kuti dambudziko iroro ringapedzwa sei pasina kurovana nekuti imhosva huru,” vanodaro.

Ambassador Mathema vanotaura mashoko aya mushure mekubvunzwa neKwayedza pamire Hurumende pamusoro pekurohwa kwevana muzvikoro.

Izvi zvinotevera nyaya iri muKwayedza resvondo rino yemumwe mudzidzisi wechirume wepachikoro chinonzi chiri kuMasvingo, uyo anobuda pavhidhiyo riri kutenderera achirova mwana musikana wepo nezvibhakera zvakasimba.

Nokuda kwekurwadziwa, mwanasikana uyu anozotangawo kudzosera mudzidzisi uyu ndokumukandawo zvimbokoma zvakasimba apo vamwe vana vechikoro vanenge vachiona nekukuzirira.

Veruzhinji vari kuziva nezvenyaya iyi vari kuti Hurumende inofanirwa kutorera ticha uyu matanho akasimba nekuti zvaakaita hazvitarisirwe kubva kwaari.

Vanotiwo katsika aka kari kuitika muzvikoro zvakawanda asi kungoti zvimwe zvacho hazvizobuda kuruzhinji.

Zvichakadaro, masangano anokurudzira kuchengetedzwa kwekodzero dzevana vechikoro nedzevanasikana ari kushorawo zvakaitwa nemudzidzisi uyu zvekurwisa mwana wechikoro nezvibhakera vari pachikoro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *