Musatidherere: Zvirekwi

. . .‘MaWarriors tagadzirira Afcon’

MUTAMBI weCAPS United nemaWarriors, Hardlife Zvirekwi – uyo akahwina mubairo weCastle Lager Premier Soccer League Player of the Year – anoti zvikwata zvekune dzimwe nyika ngazvirege kutarisira maWarriors pasi sezvo acharwa semvumba kumutambo weAfrican Cup of Nations kuGabon gore rinotevera.

Mitambo yeAfcon inotarisirwa kutanga musi wa14 Ndira ichizopera musi wa5 Kukadzi.

MaWarriors akaiswa muboka rakaoma reGroup B rine zvikwata zvinoti Algeria, Tunisia neSenegal.

Vaongorori vazhinji nevatsigiri venhabvu vari kuti maWarriors anotofanirwa kukunya dzisimbe kumakwishu aya kana achida kusvika kure mumutambo uyu.

Vamwe vatambi vachasangana nemaWarriors vanosanganisira Riyad Mahrez wekuAlgeria uyo anotambira shasha dzeBarclays Premier League yekuEngland uye mutambi uyu svondo rino akahwina mubairo weBBC African Player of the Year. Algeria ine vamwe vatambi vanoti Islam Slimani uyo anotambira Leicester City yekuEngland kozoti Senegal ine vakaita saSaido Mane weLiverpool, Idrissa Gana Gueye weEverton (England) naCheikhou Kouyate weWest Ham yekuEngland zvakare.

Asi muhurukuro naZvirekwi svondo rino, anoti maWarriors ari kukwikwidza neshasha dzemuAfrica nekuti iwo pachawo ishangwiti dzakazvimirira munyaya yenhabvu.

“Tichitarisa vamwe vatambi vezvikwata izvo tichasangana navo, ndevapamusoro zvekuti vazhinji vari kutiona takakundwa tisati tatamba nhabvu asi isu basa redu tiri ziva zvatiri kufanirwa kunoita kuGabon.

“Mukana watawana wekunokwikwidza kumutambo uyu wakakura chaizvo uye zvichabatsirawo vatambi vakaita sesu. Hatina kusvika kumutambo uyu nyore, takashanda kuti tisvikeko saka tichashanda nesimba kuti tivarakidze kuti isuwo takadya nduru tine huturu.

“Hatisi kunowedzera nhamba yezvikwata, kwete,” anodaro Nairobi sezita raZvirekwi remadunhurirwa.

Gore ra2016 range rakanaka zvikuru kuna Nairobi sezvo aive muchikwata chemaWarriors chaKalisto Pasuwa chakahwina tikiti rekuenda kuAfcon.

Chikwata chake, CAPS United, chakahwina mukombe wePreimer Soccer League (PSL) kuzoti iye ndokuzovhoterwa kuve Soccer Star of the Year.

Zvakadaro, Nairobi anoti ino haisisiri nguva yekuti arambe achifunga zvakaitika kare asi zvemberi sezvo ari kugadzirira kuitira kuti kana akashevedzwa naPasuwa kuenda kuGabon ange akagadzirira.

Anoti haazive kuti achange arimo here muchikwata chaPasuwa chiri kuenda kuAfcon.

“Chandinoziva ndechekuti Pasuwa anofanirwa kutakura chikwata chakasimba chinonobata basa kumutambo uyu kana tichida kunohwina.

“Ini handizive kuti ndinoenda here asi chinhu chandinofanirwa kuita kugara ndakagadzirira chete.

“Munhu wose anoda kuenda asi vashoma vachasarudzwa kuenda kumutambo uyu,” anodaro Nairobi.

Riyad Mahrez
Riyad Mahrez

Shasha iyi inoti kana ikasarudzwa kuenda kuGabon naPasuwa shuviro yake ndeyekuti mudzimai pamwe nemwanakomana wake vaendewo kunomutsigira achitamba kumutambo uyu sezvo mukana wekukwikwidza wakadai usingawanikwe nyore.

“Shuviro yangu, asi hunge zvikafamba zvakanaka, ndeyekuti mhuri yangu iendewo kunonditsigira, indione ndichimirira nyika yangu mumutambo mukuru uyu.

“Zvinhu zvinodadisa kukwikwidza mumutambo mukuru wakaita seAfcon,” anodaro Nairobi.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *