Musikana webasa akaba midziyo

MUSIKANA aishanda basa remumba kwaSeke akaudza dare kuti akabira mukadzi waaisevenzera midziyo inokosha US$266 nekuti akange anonoka kumupa mari yake yemubhadharo yepamwedzi.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Yeukai Chigodora, akatemera Yemurai Murazi (18) wepanhamba 42 Foxroe, kuNyanga, chirango chekubvisa faindi yeUS$50 uye kukundikana kwake anozonogara mujeri kwemazuva makumi maviri.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa8 Ndira gore rino, mumhan’ari Bassie Ziko (28) wekwaZiko, kuChitsvatsva kwaSeke, uyo anova maneja weZiko Enterprise, akataurirwa naMurazi kuti akange asingachadi basa achiti airwara. “Ndakazonotarisa mbatya dzaakange arongedza, ndipo pandakashamisika kuona kuti akange atorongedza nehembe dzangu mubhegi rake,” anodaro Ziko. Hembe idzi dzaisanganisira madhirezi matatu, masiketi maviri, shangu nenharembozha yerudzi rweHuawei uye zvose zvakawanikwa.

Murazi haana kuda kupedzera dare nguva sezvo akabvuma mhosva yake.

“Mhosva ndinoibvuma. Ndakatora midziyo yemumhan’ari nekuti akange anonoka kundipa mari yangu,” akadaro Murazi.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *