Mutambo wekarate worongwa

Abel Ndooka —
SANGANO reZimbabwe Karate Union rinoti riri mushishi kutsvaga mari yekuronga mutambo we1st So-Kyokushin International Karate Tournament uyo uchaona vatambi vedzimwe nyika vachiuya kuzokwikwidza muno.

Mutambo uyu – uyo uri kutarisirwa kuitwa muna Chikunguru – unochakwikwidzwa neshasha dzekarate dzichabva kunyika dzakaita seRussia, China, Japan, Korea neSouth Africa.

Nhengo yeZKU, Sensei Samson Muripo uyo anotarisirwa kuzokwikwidza pamutambo uyu, anoti sangano ravo riri kuunganidza mari inosvika US$30 000 yekuronga mutambo uyu.

“Makore adarika, mutambo wekarate wange uri kusimukira muno zvekuti tasvika padanho rekuti tave kukwanisa kuronga mitambo mikuru tichishevedzawo vedzimwe nyika kuzokwikwidza.

“Parizvino takanyorera kunyika dzakasiyana tichidzikoka kuti dziuye kuzokwikwidza uye tinotarisira kunzwa kubva kwavari munguva inotevera.

“Asi zvakadaro tiri kumhanya-mhanya kuunganidza mari yacho yekuti tironge mutambo mukuru uyo unotarisirwa kunakidza zvikuru kukunda ngoma kurira,” anodaro Muripo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *