‘Mutape aapi mwadhi dzekuhambisa’

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti ana Mutape nevamweni vanotungamire miganga avana mvumo yekubhale matsamba ekushandisa pakuhamba (exemption letters) sezvinokhombwa ngemuthetho wekudzasira Covid-19.

Vanobhuya vakaemera  mapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti kune mabhuyo anoti kunana mutape vari kubhale tsamba veibhadharisa izvo zvisiri pamuthetho.

“Mumukuwo uno weCovid-19, hurumende yakabhuya vanhu vanofanire kuhamba asi mapurisao anokone kunyora tsamba kana vaone kuti zvinode kuhambirwa zvakhona zvine shwiro. Ana mutape avafaniri kunyore mwadhi idzi, varikunyora varikutoshaisha yaemho,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoendeere mberi vechiti, “Tinozwa mabhuyo ekuti amweni arikutoti tipei machereni kuti tinyore mwadhii, iiii uhwohwo ugebenga.”

Kune tsamba yareketsa parukumbati  yakanyorwa ndi Sabhuku Mwaguto vekudunhura Mambo Mutambara, Nhedziwa, kuChimanimanii yakapuwa mai vantanhi kuto vahambe ndiyona.

Tsamba iyi inekero yepachikora che Mutendeudzo School nebizo ra Constance Tsvaki kuti aishandise kubva Chimanimani kuende Harare.

Mumweni muisa wekwa Mutambara, uyo wakaramba kudurwa zina rakwe,wakati zviri kutoitika.

“Kuno matsamba ari kunyorwa nge masabhuku nemadzishe anozwi ngeekuhambisa. Chinonesa ngechekuti unenge wabhadhara mare kunyorerwa tsamba wozodzaswa zvemubhazi mwacho wohwirira zve kanyi.

Pamweni  tinodusiswa mare inozwiyedare kana kuti ye’ink’ ichidaidzwa kuti ‘ink fee’,” unodaro muisa uyu.

Mare iyi inonwi inotangira paUS$2 kusvika US$5.

Related Posts

Mvurwi erupts in colour as Zimbabwe celebrates Munhumutapa Day

Hello Zimbabwe! Today, Mashonaland Central is the place to be, and we are coming to you live from Mvurwi Town Centre, the venue of the Munhumutapa Day celebrations. Thousands of…

MSD forecasts erratic start to rainfall season

Moffat Mungazi Post Reporter THE onset of the 2026-2027 rainfall season, which runs between October and December, is projected to be erratic and below-normal countrywide, the Meteorological Service Department (MSD)…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *