‘Muvakidzani wangu anoda kundinyn’udza’

Trymore Muvhawa—

MUDZIMAI wekuti ari kuoneswa ndondo nemuvakidzani wake, uyo waanoti anogara achimurova, kumutyisidzira nerufu, kukanda matombo pamba pake pamwe nekumutukirira, akazopotera kudare redzimhosva.

Forgiveness Marange akamhan’arira muvakidzani wake, Florence Chakanya, kuHarare Civil Court. “Mambo wangu, ndingaita mugariro upi nemunhu akadai? Anondipotsera matombo ndiri pamba pangu, achitukirira mashoko asingataurike muno mudare.

“Mumwe musi akatosvika pakundiudza kuti ndiri kuda kuti utsakatike. Zvino ndava kugara ndichitya iye kwete zvikara saka hungava upenyu here?” akadaro Marange.

Akati Chakanya akambomurova nesimbi kugotsi akakuvara.

“Mumwe musi akandirova nesimbi kugotsi ndikakuvara ndikanomhan’ara kumapurisa tikatoendesana kumatare. Musi iwoyo zvakare, ndaive nemwana wangu wandaive ndakabereka akatokuvarawo uye foni yangu yakabva yatsemuka zvekuti nanhasi haisi kushanda. “Saka ndauya kudare kuti rindidzivirirewo kuna Chakanya nekuti chandiri kutya kuny’udzwa semataurire ake,” akadaro Marange.

Chakanya akati ndiye anotogara achirikitwa naMarange uye haazive kuti daka rake nderei. “Handina kubvira ndakamurova, kumutyisidzira nerufu kana kumutuka sezvaataura. Takaenda kumapurisa ekuHighlands (muHarare) mushure mekunge andimhan’arira ndokuzoenda kumatare asi vakaona ndisina mhosva.

“Ndakazoshamisika kunzwa kuti nyaya iya yatanga zvakare, ndipo patakadzokera kudare ndikawanikwa ndiine mhosva yekumurova asi ndaiva ndisina kumurova,” akadaro. Mutongi Yeukai Dzuda akati matauriro aChakanya ekutsenga-tsenga mukanwa anoratidza kuti ane manyepo mukati nokudaro akapa Marange gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *